RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 4 pp. 12-13
  • Kushanya kuKyrgyzstan

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanya kuKyrgyzstan
  • Mukai!—2016
Mukai!—2016
g16 nha. 4 pp. 12-13
Zvakaita dzimba dzekuTash Rabat Valley kuKyrgyzstan

Zvakaita dzimba dzavo muTash Rabat Valley

NYIKA DZAKASIYANA-SIYANA

Kushanya kuKyrgyzstan

Mepu yeKyrgyzstan

KYRGYZSTAN inyika yekuCentral Asia ine makomo marefu-refu anenge akaita kufukidzwa nechando uye yakavakidzana nenyika dzinoti Kazakhstan, Uzbekistan, Tajikistan, neChina. Inenge 90 muzana yenyika iyi makomo ega ega. Pane makomo anonzi Tian Shan uye nhongonya yemakomo iwayo iri muKyrgyzstan. Kuti munhu asvike pamusoro-soro paro pakareba mamita 7 439. Inenge 4 muzana yenyika iyi masango. Asi chinoshamisa ndechekuti inotoverengwawo panyika dzine nzungu dzakawanda dzemusango.

Chimwe Chapupu chaJehovha chichidzidzisa mumwe mukadzi Bhaibheri kuKyrgyzstan

Zvapupu zvaJehovha zviri kudzidzisa vanhu vakawanda Bhaibheri muKyrgyzstan

Vanhu vekuKyrgyzstan vanozivikanwa nekugamuchira vaeni zvakanaka uye nekuremekedza vamwe. Kana vachitaura nemunhu mukuru, vanoshandisa mashoko ekuremekedza akadai seekuti “imi” uye kana vari mubhazi vanosimukirawo vanhu vakuru, kana yava nguva yekudya vanhu vakuru vanopiwa pekugara pakanaka.

Mhuri inowanzoita vana vatatu kana kupfuura. Mukomana wekupedzisira anowanzoramba achigara nevabereki kunyange aroora, achivachengeta kusvika vafa.

Vasikana vanodzidziswa mabasa epamba kubva vachiri vadiki. Pavanozosvika makore ekuma16 vanenge vava kutogona mabasa epamba. Kana vava kunoroorwa mhuri yavo inovapa zvinhu zvekunoshandisa. Zvimwe zvacho zvinosanganisira magumbezi, hembe, uye kapeti yakagadzirwa nemaoko. Mukomana ndiye anobhadhara mari yeroora uye nezvipfuwo pamusoro.

Pavanoita mabiko kana kuti pavanenge vari parufu, vanouraya gwai kana kuti bhiza. Pakupakura pane nyama inonzi inopiwa vana vadiki kana kuti vanhu vakuru uye vaenzi vanoremekedzwa. Chikafu chavanonyanya kudya chinonzi beshbarmak uye ndicho chavanodyisa nenyama. Vanochidya nemaoko.

Mukomana ari kuridza chiridzwa chinonzi komuz

Komuz ndicho chiridzwa chinoshandiswa nevakawanda

ZVAKAITA NYIKA YACHO

Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

Bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rinowanikawo mumutauro wechiKirghiz pawww.jw.org

  • Vagari vemo: 5 776 000

  • Guta guru: Bishkek

  • Mitauro: Kirghiz nechiRussian

  • Zvavanotengesa kune dzimwe nyika: Donje, shinda, goridhe, mercury, uranium

  • Chitendero: Vakawanda vavo vanopinda chiIslam

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe