RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 1 pp. 12-13
  • Kushanya kuLiechtenstein

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanya kuLiechtenstein
  • Mukai!—2016
Mukai!—2016
g16 nha. 1 pp. 12-13
Bhiriji riri kuLiechtenstein rakavharika kumativi uye rine denga

NYIKA DZAKASIYANA-SIYANA

Kushanya kuLiechtenstein

Mepu iri kuratidza nyika yeLiechtenstein painoganhurana neSwitzerland neAustria

IYI NDEIMWE yetunyika tudiki pasi rose, uye iri pamakomo eAlps pakati peSwitzerland neAustria. Mumazana emakore akapfuura, vanhu vechiCelt, vechiRhaetian, vechiAlemanni nevekuRome, vose vakambogara munyika iyi. Iye zvino, pavanhu vanogara muLiechtenstein, vanopfuura hafu yavo ndeverudzi rwechiAlemanni, urwo rwakatanga kugara munyika yacho makore anenge 1 500 akapfuura.

Mutauro wechiGerman ndiwo unoshandiswa kuLiechtenstein pakuita zvebhizimisi uye pakudzidza, kunyange zvazvo mataurirwo anoitwa mutauro wacho achisiyana munzvimbo nenzvimbo. Mhando mbiri dzezvokudya zvakakurumbira muLiechtenstein iTüarka-Rebel, chikafu chemhando yepamusoro icho chinogadzirwa nechibage, uyewo Käsknöpfle, musanganiswa wemasipageti nechizi.

Mhando mbiri dzechikafu chinonyanya kudyiwa kuLiechtenstein

Käsknöpfle

Mumwe mukadzi nekasikana vekuLiechtenstein vakapfeka hembe dzeko dzinoyevedza

Vanhu vakapfeka hembe dzeko dzinoyevedza

Kuenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana munyika yacho kunoita kuti vashanyi vakwanise kuona makomo akavharwa nesinou, mipata yakasvibirira, minda yemizambiringa, uye miti yakasiyana-siyana. Somuenzaniso, mukanyika aka kari mumakomo, munowanikwa mhando dzemaruva emusango dzinoda kusvika 50. KuLiechtenstein kunewo mamiziyamu, zvivako zvinoitirwa mitambo uye makambani anogadzira waini. Saka vanhu vanoshanya kunyika yacho mungava mumwaka wekupisa kana kuti wechando.

Kubvira kuma1920, Zvapupu zvaJehovha zvanga zvichiita basa muLiechtenstein. Pari zvino munyika iyi mune Zvapupu zvinenge 90 zviri kudzidzisa Bhaibheri vanhu vomunyika yacho nevanenge vashanya.

Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha muchiGerman, mutauro unoshandiswa pakuita zvebhizimisi uye pakudzidza muLiechtenstein, uye rinowanikwa paIndaneti pawww.jw.org.

ZVAKAITA NYIKA YACHO

  • Vagari vemo: 37 000

  • Guta guru: Vaduz

  • Mutauro unonyanya kushandiswa: German

  • Zvitendero: Vanhu vakawanda vanopinda Roma

EDZA KUPINDURA

Pamashoko ari pasi apa, ndeapi anotsanangura zvakaita Liechtenstein?

  1. Pasi rose, Liechtenstein ndeimwe yenyika mbiri dzakapoteredzwa nenyika dzisina kubatana negungwa.

  2. Ine marudzi anopfuura 50 emhuka dzinoyamwisa.

  3. Ine zvinhu zvinomera zvemarudzi anenge 1 600.

  4. Inyika isina masoja.

Mhinduro: Zvose zvataurwa ndezvechokwadi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe