RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 9/15 p. 16
  • Mazino Egarwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mazino Egarwe
  • Mukai!—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2015
  • Mashoko Ataurwa Zvakajeka
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Mukai!—2015
g 9/15 p. 16
Garwe rakatakura kamwana karo mumuromo

NDIMWARI AKASIKA HERE?

Mazino Egarwe

GARWE imhuka ine mazino ane simba kudarika dzimwe mhuka dzose. Somuenzaniso, kuAustralia kune mamwe makarwe okuti simba rine mazino emhuka yakadai seshumba rinopetwa katatu kuti rienzane neremakarwe iwayo. Mazino egarwe ane simba uye anogona kunzwa chero chinhu chidiki-diki chinenge chaagumha. Asi izvozvo zvinoitika sei iro garwe riine ganda rakakwasharara?

Mumuromo megarwe mune tutsinga twakawanda tunoribatsira kuziva chinhu chinenge chapindamo. Mumwe muongorori anonzi Duncan Leitch akati: “Tutsinga utwu tunobuda nomumaburi ari mudehenya.” Izvi zvinoita kuti tutsinga utwu tusakuvadzwa uye zvinoita kuti garwe rinzwe zvinhu zvidiki-diki zvinenge zvapinda mumuromo. Zvarinoita izvi hazvikwanisi kuitwa nemichina. Garwe rinogona kuziva kuti zvinhu zvinenge zvapinda mumuromo maro chikafu here kana kuti marara. Ndizvowo zvinoribatsira pakutakura vana varo mumuromo risingavakuvadzi. Chinoshamisa pamazino aro ndechekuti ane simba uye anogona kunzwa chinhu chidiki-diki chinenge chaagumha.

Unofungei? Garwe rakangoerekana ravapo here kana kuti rakasikwa naMwari?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe