RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 9/15 p. 7
  • Unogona Kurarama Upenyu Hwawaida Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kurarama Upenyu Hwawaida Here?
  • Mukai!—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Dambudziko: Zvinhu Zvausingagoni Kuchinja
    Mukai!—2015
  • Dambudziko: Manzwiro Asina Kunaka
    Mukai!—2015
  • Nyika Itsva—Uchavamo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Wakambozvibvunzawo Here Mibvunzo Iyi?
    Mukai!—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 9/15 p. 7

NYAYA IRI PAKAVHA | UPENYU HWAURI KURARAMA NDIHWO HWAWAIDA HERE?

Unogona Kurarama Upenyu Hwawaida Here?

Murume ari kufambisa chikepe chake zvinyoro-nyoro

MAZUVA ano, hapana anoti zvinhu zviri kunyatsomufambira sezvaanoda. Kazhinji kacho chinounza mufaro kugamuchira zvinhu zviripo uye kuona kuti ungaita sei nezvauinazvo. Kana uchikwanisa kufara kunyange zvazvo zvinhu zvakaoma, izvozvo zvakanaka. Kana zvikazoitawo nani, wototenda. Asi zviuya zviri mberi.

Bhaibheri rinovimbisa kuti pachazosvika nguva yekuti vanhu vachanyatsofara muupenyu. Vachakwanisa kurarama vachiita zvavanoda, pasina zvinovashungurudza, nhamo dzoupenyu kana chinhu chinovanetsa. (Isaya 65:21, 22) Bhaibheri rinoti uhwu ndihwo hunonzi “upenyu chaihwo.”—1 Timoti 6:19.

“Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya. Nokuti mazuva evanhu vangu achaita semazuva omuti; uye vanhu vandakasarudza vachafarira basa remaoko avo zvizere.”—Isaya 65:21, 22.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe