RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 3/15 pp. 6-7
  • Mazano Acho Achiri Kubatsira Munhu Wose—Rudo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mazano Acho Achiri Kubatsira Munhu Wose—Rudo
  • Mukai!—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsigiswa Nemitemo Yetsika Isingachinjwi Nenguva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2015
  • Ndinoziva Sei Kana Ruri Rudo Chairwoirwo?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Kukudziridza Kwatingaita Rudo Rwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 3/15 pp. 6-7

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RICHIRI KUSHANDA HERE?

Mazano Acho Achiri Kubatsira Munhu Wose​—Rudo

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.”—VaKorose 3:14.

CHAZVAKANAKIRA: Rudo runonyanya kutaurwa nezvarwo muBhaibheri harusi rwokudanana kwomurume nomudzimai. Asi rudo runosanganisira unhu hwakadai sokunzwira tsitsi, kuregerera, kuzvininipisa, kuvimbika, mutsa, unyoro, uye mwoyo murefu. (Mika 6:8; VaKorose 3:12, 13) Rudo rwakadai runoramba rwuchikura nokupindana kwemakore.

Brenda, uyo ava nemakore anoda kusvika 30 akaroorwa anoti: “Rudo rwevanhu vachangoroorana hapana zviripo kana ruchienzaniswa norudo rwevaya vava nemakore vakaroorana.”

Sam, uyo ava nemakore 12 akaroora anoti: “Ini nomudzimai wangu tinogara tichinakidzwa uye dzimwe nguva tinoshamiswa patinoona mashandiro anoita zvinotaurwa neBhaibheri. Zvarinotaura hazvina kuoma kutevedzera! Ukazvitevedzera zvinhu zvinokufambira zvakanaka. Asi dzimwe nguva kana ndakaneta kana kuti zvakangokwidzawo zvinondiomera kushandisa mazano acho. Panguva dzakadaro ndinokumbira Jehovha kuti andibatsire kudzingira kure mafungiro akaipa. Ndinobva ndambundira mudzimai wangu uye pasina nguva zvinoita sokuti hapana changa chamboitika!”

“Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo”

Jesu Kristu akati “uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” (Mateu 11:19) Saka hapana chinotaurwa neBhaibheri chinganzi hachibatsiri. Zvose zvarinotaura zvinoshanda. Hazvina basa kuti rakanyorwa kare, richiri kungoshanda. Mazano aro anobatsira pasinei nokuti uri wedzinza ripi kana kuti wekunyika ipi. Izvozvo zvinoratidza kuti rakanyorwa noMusiki wedu Jehovha Mwari uyo anonyatsonzwisisa vanhu. Tinoona kushanda kwaro patinoita zvarinotaura. Ndokusaka Bhaibheri richitiudza kuti “ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka.” (Pisarema 34:8) Ko iwe uchaitawo sei?

BHAIBHERI RAKANDIBATSIRA KUCHINJA MARARAMIRO ANGU

Linh anogara kuSoutheast Asia. Akaudza vanyori veMukai! kuti Bhaibheri rakamubatsira sei kuchinja mararamiro ake.

Makakura muchipinda chitendero chipi?

Kumba kwedu taiva muchitendero chechiBuddha. Hapana zvandaiziva nezvaMwari wechokwadi.

Maifara here nemararamiro amaiita?

Kana! Ndaiva nematambudziko akawanda. Ndaitadza kushandisa mari zvakanaka. Ndaisaziva kuti ndingawana sei shamwari dzechokwadi, uye ndaitadza kubatsira vabereki vangu pamatambudziko avaisangana nawo.

Asi upenyu hwenyu hwakazochinja. Zvakafamba sei?

Vamwe vakadzi vechiduku vesangano reZvapupu zvaJehovha vakatanga kundidzidzisa Bhaibheri. Upenyu pahwaindiomera ndaivakumbira mazano. Kunyange zvazvo vakanga vari vaduku kwandiri, mazano avaindipa aibatsira chaizvo. Vakanga vasingatauri zvomumusoro mavo asi vaindiratidza zvinotaurwa neBhaibheri.

Iye zvino ndava nechokwadi chokuti Bhaibheri ibhuku rinobva kuna Mwari nemhaka yeshanduko yakandakaona muupenyu hwangu zvichibva pakushandisa zvarinotaura. Bhaibheri rinogona kubatsira chero ani zvake anoda kutevedzera zvarinotaura. Mamwe mabhuku ari munyika anobatsira hawo asi haasviki paBhaibheri.

Titsanangurirei zvamuri kureva.

Vabereki vangu vanhu vakadzidza uye vanoremekedzwa munharaunda yatinogara. Asi nanhasi havasati vagona kugadzirisa matambudziko avainawo. Vakatorambana uye havasi kufara. Pandaiva kukoreji ndakamboudzwa kuti dzimwe nguva zvinoda mhirizhonga kuti zvinhu zvinake. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti hapana chinoitwa nemunhu chinogona kugadzirisa zvachose matambudziko evanhu nokuti Mwari haana kutisika kuti tizvitonge. Ndokusaka pasina chiri kubuda pazvose zviri kuedza kuitwa nehurumende dzevanhu.a Asi kana tikateerera Mwari, upenyu hwedu hunochinja kuva hwakanaka uye zvinobatsirawo vamwe.

Saka Bhaibheri rakakubatsirai sei?

Rakandibatsira mune zvakawanda. Iye zvino handichanyanyi kunetseka, uye ndava neshamwari dzakanaka. Ndava kushandisa mari zvakanaka zvokuti ndinogona kumbobvakachawo. Chikuru ndechokuti ndava kugonawo kubatsira vamwe.

a Verenga Muparidzi 8:9; Jeremiya 10:23.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe