RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 3/15 p. 3
  • Bhaibheri Richiri Kushanda Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Richiri Kushanda Here?
  • Mukai!—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Richiri Kushanda Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Sumo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Vabereki Nevana, Kurukurai Zvine Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Zvidzivirire Neavo Vaunoda
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 3/15 p. 3
Bhaibheri rakavhurika

NYAYA IRI PAKAVHA

Bhaibheri Richiri Kushanda Here?

‘Kokutanga muupenyu hwangu, ndakanyatsofara.’

HILTON aifarira zvetsiva. Paakanga ava nemakore 7 akanga ava kutokwikwidza pamitambo yetsiva uye ava kufamba achirova vanhu. Ava kusekondari, iye neshamwari dzake vaingombeya mumigwagwa vachitsvaka vekurova. Hilton anoti, “Ndaiba, ndaiita zvekubheja, ndaiona zvinonyadzisira, ndaidenha vanhukadzi, uye ndaituka vabereki vangu. Vabereki vangu havana kumbofunga kuti ndaizova munhu kwaye. Pandakapedza zvidzidzo zvesekondari ndakabva ndabva pamba.”

Hilton paakazodzokera kumba kwavo pashure pemakore 12, zvakaomera vabereki vake kubvuma kuti akanga ari mwana wavo chaiye. Akanga adzikama, ava kuzvidzora uye ava kuremekedza vamwe. Chii chakanga chaita kuti Hilton achinje kudaro? Akanga afungisisa kuti upenyu hwake hwakananga kupi. Akaongororawo Bhaibheri kuti aone kana raigona kumubatsira kuchinja mararamiro ake. Hilton anoti, “Ndakashandisa zvandaiverenga muBhaibheri izvo zvaisanganisira kubvisa unhu hwekare uye kuteerera murayiro uri pana VaEfeso 6:2, 3 wokuremekedza vabereki vangu. Kokutanga muupenyu hwangu, ndakanyatsofara uye zvandakaita zvakafadza baba naamai vangu!”

Nyaya yaHilton inoratidza kuti zviri muBhaibheri zvinoshanda uye zvine simba rokuchinja munhu. (VaHebheru 4:12) Ngationgororei kuti zvimwe zvacho zvakadai sokutendeka, kuzvidzora, kuvimbika, uye rudo zvinobatsira sei kuti munhu ararame upenyu huri nani.

IBHUKU RECHINYAKARE HERE?

Bhini rakazara nezvinhu zvokudhara zvemakombiyuta

Vamwe vanoti mazuva ano Bhaibheri harichashandi sezvinongoita bhuku remirayiridzo yekombiyuta yekarekare. Asi ichocho hachisi chokwadi. Magadzirirwo akaitwa makombiyuta ndeokuti nokufamba kwenguva anogona kuchinja mashandiro awo asi munhu haana kusikwa saizvozvo. Kare munhu aiti kana akaratidzwa rudo kana mutsa aifara chaizvo asi kana akaitirwa utsinye kana kuvengwa airwadziwa. Nanhasi ndozvazvichiri. Saka chokwadi chiripo ndechokuti, “hapana chitsva pasi pezuva.”​—Muparidzi 1:9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe