RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 1/15 p. 16
  • “Mucherechedzo Wokuparadza Kwakaipisisa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mucherechedzo Wokuparadza Kwakaipisisa”
  • Mukai!—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Hondo
    Mukai!—2017
  • Tariro
    Mukai!—2018
  • Vimbiso Dzichazadzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
Mukai!—2015
g 1/15 p. 16
Hiroshima Peace Memorial, Genbaku Dome

“Mucherechedzo Wokuparadza Kwakaipisisa”

PEDYO neRwizi rwaMotoyasu kuguta reHiroshima, kuJapan, pane chivako changova dongo kubvira muna 1945. Sezvo chava kutosvitsa makore 70 chakadaro, nei chisina kugadziriswa?

Chivako ichi chine nhurikidzwa nhatu chakapera kuvakwa muna 1915 uye chaishandiswa seimba yokuratidzira zvinhu kuitira kusimudzira zvokutengeserana. Asi zvinhu zvakachinja musi wa6 August 1945, nenguva dza8:15 mangwanani. Sezvo yakanga iri nguva yehondo, pane bhomba guru rakaputitswa mudenga mamita anenge 550 pamusoro peguta iri richibva raparadza chivako ichi. Munhu wose aivamo akabva angofiramo. Asi madziro echivako chacho akasara akamira.

Chivako ichi chakachengetedzwa chakadaro kuitira kuti chive “mucherechedzo wokuparadza kwakaipisisa kwakaitwa nevanhu,” inodaro nyaya yeUNESCO.a Muna 1996 chivako chacho chakabva chapiwa zita rokuti Hiroshima Peace Memorial chichibva chawedzerwa panzvimbo dzinocherechedzwa pasi rose dzinonyorwa paUNESCO World Heritage List.

Kunyange zvazvo nzvimbo dzinoyeuchidza vanhu nezvekuipa kwakaita hondo dzichiramba dziripo, hazvisi kuita kuti hondo idzo dzinowanzokonzerwa nemakaro, zvitendero uye kuvengana kwemadzinza nezvimwewo dzipere. Saka zvinoreva kuti hondo hadzifi dzakapera here?

Bhaibheri rinoti aiwa! Pisarema 46:9 inoti, ‘Mwari achagumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika. Achatyora uta uye achagura-gura pfumo; achapisa ngoro nomoto.’ Panguva iyoyo, Mwari achatsiva utongi hwevanhu nehurumende yake ichatonga pasi rose. Hurumende iyoyo inotungamirirwa naJesu Kristu, uyo akasarudzwa kuti ave “Mambo wemadzimambo.”​—Zvakazarurwa 11:15; 19:16.

Panenge pasisina chikonzero chokuramba tiine zvivako zvinotiyeuchidza nezvehondo. Isaya 65:17 inoti: “Zvinhu zvekare” kureva zvinhu zviri kuitika zvinorwadza uye zvinoodza mwoyo, “hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.”

a United Nations Educational, Scientific, and Cultural Organization.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe