RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 11/14 pp. 4-6
  • Mawaniro Aungaita Mufaro Wechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mawaniro Aungaita Mufaro Wechokwadi
  • Mukai!—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Unganyatsobudirira Sei Muupenyu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mufaro Wechokwadi Unobva Pai?
    Mukai!—2014
  • Budiriro—Pasinei Zvapo Nemiuyo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Zvaungaita Kuti Ubudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 11/14 pp. 4-6
Charlotte naTimothy
Charlotte naTimothy

NYAYA IRI PAKAVHA | MUFARO WECHOKWADI UNOBVA PAI?

Mawaniro Aungaita Mufaro Wechokwadi

Bhaibheri rinotiudza kuti mufaro wechokwadi unowanikwa sei. Haridzidzisi kuti vashomanana chete ndivo vanogona kuuwana. Vana vanoverengerwa mabhuku engano evanhu vanorota chimwe chinhu zvonzi zvinhu zvacho zvakazoitika pakupedzisira. Mafungiro iwaya haasi echokwadi nokuti kakawanda hazviitike saizvozvo.

Chokwadi ndechokuti munhu wose anogona kubudirira, asi zvinoda kushanda nesimba. Ongorora zvinotaurwa nemavhesi anotevera.

  • Mari
    Mari

    ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

    “Munhu anoda sirivha haazogutswi nesirivha, uyewo munhu anoda pfuma haazogutswi nemari inowanikwa.”—Muparidzi 5:10.

    ZVAZVINOREVA. Kuva nezvinhu zvakawanda hakusi iko kunoita kuti munhu afare. Bhuku rinonzi Generation Me rakanyorwa naJean M. Twenge rinoti, “Vanhu vanofara uye vasinganyanyi kuzvidya mwoyo ndevaya vanozvipira kubatsira vamwe kwete vanoti sika-sika nokutsvaka mari.” Rinoenderera mberi richiti: “Tsvakurudzo dzinoitwa dzinogara dzichiratidza kuti mufaro hautengwi nemari.”

    ZVAUNOGONA KUITA. Ita zvinhu zvinoita kuti ufare uye ugutsikane muupenyu panzvimbo pokutsvaga upfumi. Jesu akati, ‘Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahubvi pazvinhu zvaainazvo.’—Ruka 12:15.

  • Murume ari kudada
    Murume ari kudada

    ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

    “Kudada kunotangira kuparara, uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa.”—Zvirevo 16:18.

    ZVAZVINOREVA. Kuda pfuma uye kuzvikudza hakuiti kuti uwane mufaro wechokwadi. Bhuku rinonzi Good to Great rinotaura kuti vakuru vakuru vemakambani vanofara ndevaya “vanozvininipisa uye vasingadi zvokuonererwa. Asi vaya vanozvikudza uye vachida zvokuonererwa havawani mufaro wechokwadi uye zvinogona kuzokonzera kusanyatsobudirira kwekambani.” Saka chidzidzo ndechokutii? Kuva nemafungiro okuti vamwe vandione, kazhinji kacho kunoita kuti usazofara.

    ZVAUNOGONA KUITA. Ramba uchizvininipisa panzvimbo pokuda kuwana mbiri. Bhaibheri rinoti: “Kana munhu achifunga kuti iye chimwe chinhu asi iye asiri chinhu ari kunyengera pfungwa dzake.”—VaGaratiya 6:3.

  • Murume akabata sando
    Murume akabata sando

    ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

    ‘Hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti munhu afadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.’—Muparidzi 2:24.

    ZVAZVINOREVA. Uchawedzera kunakidzwa nebasa rako kana ukashanda zvakanaka nevamwe uye ukariita nemazvo. Mubhuku rinonzi Teach Your Children Well, Madeline Levine akanyora kuti: “Kana ukashingirira kuita chimwe chinhu uye wochiita nemazvo, unonzwa kufara paunobudirira.” Paunosangana nezvipingamupinyi usakanda mapfumo pasi.

    ZVAUNOGONA KUITA. Shanda nesimba kuti unyatsoziva maitirwe ebasa rako, uye usadzokera kumashure kunyange ukasangana nezvinenge zvichinetsa. Kana uine vana, vapewo mukana wokugadzirisa matambudziko avanosangana nawo, zvichienderana nezera ravo. Usamhanyirira kugadzirisa kese kanenge kavanetsa. Paunovasiya vachigadzirisa dambudziko ravanenge vasangana naro, zvinoita kuti vafare. Kugona kwavachaita kugadzirisa dambudziko iroro kuchavabatsira pavanenge vakura kuti vasakurumidza kukanda mapfumo pasi.

  • Imbwa
    Imbwa

    ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

    “Imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa.”—Muparidzi 9:4.

    ZVAZVINOREVA. Kana uchienda kubasa, rega kubva wapira upenyu hwako hwese kubasa iroro. Kunganzi kugona here kana mashandiro aunoita achiita kuti upedzisire wava kurwara-rwara kana kuti achikushayisa nguva nemhuri yako? Mufaro wechokwadi unobva pakuziva kuti kunyange uchishanda unofanira kuva nenguva nemhuri, kwete kushanda zvokufa zvinozoita kuti upedzisire wava murwere.

    ZVAUNOGONA KUITA. Chengetedza utano hwako. Nyatsozorora zvakakwana. Hapana zvazvinonyanya kubatsira kuti ushande zvokufa, uku uchirasikirwa noutano hwako, mhuri yako, uye shamwari dzako.

  • Bhaibheri
    Bhaibheri

    ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

    ‘Vanofara vaya vanoziva kuti vanofanira kuziva nezvaMwari.’—Mateu 5:3.

    ZVAZVINOREVA. Kudzidza Bhaibheri uye kuita zvarinotiudza ndiko kunoita kuti tinyatsofara. Mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha akaona kuti kukoshesa nyaya dzokunamata kunoderedza kushushikana kwavangaita muupenyu.—Mateu 6:31-33.

    ZVAUNOGONA KUITA. Dzidza Bhaibheri uone kuti rinogona kukubatsira sei kuwana mufaro wechokwadi. Kuti udzidze zvimwe, taura neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kana kuti enda paIndaneti www.jw.org.

“Kubudirira Kwandaiva Ndakaita Kwaisava Kwechokwadi”

Charlotte naTimothy
Charlotte naTimothy

Timothy naCharlotte vaiva nezvinhu zvavo. Vaiva nezimba zihombe, mota 3 uye pakuenda kumahoridheyi, vaienda kunzvimbo dzinodhura gore negore. Zvinhu pazvakanga zvava kunyatsovafambira, vakabva vasarudza kusiya upenyu hwoumbozha. Vanyori veMukai! vakakumbira Timothy kuti avatsanangurire kuti nei vakasarudza kudaro.

Maiita basa rei?

Ndaiita zvokuimba ndichibva ndazoita zveakaunzi. Charlotte akamboshanda pane chimwe chipatara uye akazoshanda mubhengi. Takazovhura mabhabhashopu 4. Vanhu vainyatsoona kuti zvinhu zviri kundifambira. Ndakanga ndisingachashandi nokuti ndaiva nevashandi. Asi takazosarudza kusiya mamwe mabhizinesi ataiva nawo. Takatengesa zvinhu zvakawanda zvataiva nazvo.

Nei makasarudza kuita izvozvo?

Kunyange taiva nemari yakawanda mufaro pakanga pasina. Taifara hedu pataitenga chinhu chitsva asi mufaro wacho waisava wenguva refu, nokuti tainyatsonzwa kuti pane chimwe chinhu chinokosha chatisiri kuwana.

Chii chakaita kuti muzowana mufaro wechokwadi?

Sezvo tiri Zvapupu zvaJehovha, ndaigara ndichiparidzira vamwe nezveShoko raMwari. Kunyange zvazvo ini nemudzimai wangu takanga tava nekanguva tichiita maawa 70 mwedzi nomwedzi tichidzidzisa vanhu Bhaibheri, pfungwa dzedu dzaiva pabhizinesi. Saka takazotengesa mabhizinesi edu tikafunga zvokutamira kunzvimbo dzaiva nevanhu vaifarira zvokudzidza Bhaibheri. Iye zvino tiri kushumira tiri pahofisi yeZvapupu zvaJehovha muUnited States. Basa ratinoita ipapo rinotsigira basa rokuparidzira uye handipiwi peyi uye handina mazita okuremekedza anopiwa vanhu mumabasa. Tinowana zvatinoda pakurarama. Asi izvozvo handizvo zvinhu zvinokosha muupenyu hwedu.

Mava kufara here iye zvino?

Chaizvo. Kubudirira kwandaiva ndinako kare kwaisava kwechokwadi. Iye zvino ndava kunyatsofara zvechokwadi uye ndokunonzi kubudirira. Chinoita kuti ndifare ndechokuti ndiri kuita basa rinobatsira vanhu kuti vazive Mwari uye vova noupenyu hwakanaka.a

a Zvapupu zvaJehovha hazvipiwi peyi pabasa ravanoita rokuparidzira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe