RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 11/13 pp. 11-12
  • Zvii Zvaunofanira Kuziva Nezvepfari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvii Zvaunofanira Kuziva Nezvepfari?
  • Mukai!—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Ndakatsunga Kuita Zvandaivavarira
    Mukai!—2005
  • Paunorwarirwa
    Mukai!—2015
  • Ramba Uine Mwoyo Murefu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Mukai!—2013
g 11/13 pp. 11-12

Zvii Zvaunofanira Kuziva Nezvepfari?

UNE munhu wauri kufamba naye uye adonha uye haachazivi zviri kuitika. Muviri wake waoma kuti ngii uye anotanga kugwinha-gwinha. Kana pane waunoziva ane chirwere chepfari unokwanisa kufanomubatsira wakamirira vanonyatsogona. Ngatimbokurukurai zvimwe zvinhu zvisinganzwisiswi nevamwe nezvechirwere ichi.

Chii chinonzi pfari? Chirwere chinokonzerwa nokusashanda zvakanaka kwepfungwa chinoita kuti munhu apote achigwinha. Kazhinji kugwinha kwacho hakudariki maminitsi 5. Kugwinha kwataurwa mundima yokutanga munyaya ino kunonzi grand mal seizure.

Chii chinokonzera kuti munhu agwinhe? Vanoongorora nezvechirwere ichi vanoti kana pfungwa dzikatadza kutumira mashoko zvakanaka kune dzimwe nhengo dzomuviri munhu ndipo paanotanga kugwinha. Asi havasati vanzwisisa kuti sei zvichimboitika.

Kana ndikaona munhu ane pfari achigwinha, ndingamubatsira sei? Bhuku rinonzi The Encyclopedia of the Brain and Brain Disorders rinoti, “Munhu paanenge achigwinha musiyei akadaro kusvikira kugwinha kwapera. Ingovai nechokwadi chokuti pane murwere hapana zvinhu zvinomukuvadza uye ari kufema zvakanaka.” Bhuku iri rinotiwo: “Danai amburenzi kana kugwinha kwacho kukapfuura maminitsi 5, kana kugwinha kwacho kukaitikazve kechipiri, kana kuti murwere wacho akatadza kumuka.”

Ndingabatsira sei munhu paanenge achigwinha? Isa chinhu chakapfava pasi pemusoro wake, uye bvisa zvinhu zvinogona kumukuvadza zvinenge zviri pedyo naye. Kana kugwinha kwapera rarisa murwere wacho nedivi sezviri kuratidzwa nemifananidzo iri papeji rinotevera.

Ndinofanira kuita sei kana murwere amuka? Chokutanga, muudze mashoko okumudzikamisa. Mubatsire kusimuka uye enda naye pane imwe nzvimbo yokuti azorore. Vakawanda vanenge vabatwa nepfari vanosara vavhiringidzika uye varukutika vachinzwa hope; asi vamwe vanenge vaine simba rokutoenderera mberi nezvavanga vachiita.

Nguva dzose munhu paanobatwa nepfari anogwinha here? Aiwa. Vamwe varwere havadonhi asi vanotadza kuziva zvinenge zvichiitika kwekanguva. Pfari yerudzi urwu inonzi petit mal seizure kana kuti absence seizure, uye ndeyenguva pfupi. Vamwe vanhu vane pfari yerudzi urwu pazvinovabata zvinotora maminitsi akati wandei. Kana izvi zvikaitika, murwere anogona kungotenderera mumba, kukatanura hembe zvine simba kana kungoita zvinhu zvisinganzwisisiki. Pashure pokubatwa nepfari anogona kusara ava kunzwa dzungu.

Zvii zvinoitika kana munhu ane chirwere chepfari? Vanhu vane chirwere ichi vanonetseka nemibvunzo yakadai sokuti ‘Ndiriini zvekare pachichandibata?’ uye ‘Chichandibata ndiri kupi?’ Kunetseka kwakadai kunonzwisisika. Kuti vasanyara nezvingazoitika, vamwe vanorega havo kuenda panzvimbo dzinoungana vanhu.

Ndingabatsira sei munhu ane chirwere chepfari? Mukurudzire kuti ataure zviri mumwoyo make. Nyatsomuteerera. Mubvunze zvaangada kuti umuitire kana zvikamubata. Sezvo vakawanda vane chirwere ichi vasingadhiraivhi, zvingava zvakanaka kuti kana achida umubatsire kudhiraivha kana kuita mamwe mabasa.

Pane zvingaitwa here kuderedza mikana yokubatwa nepfari? Pane zvinhu zvinowedzera mikana yokuti munhu abatwe nepfari zvakadai sekunyanya kufunga (stress), kusarara nguva yakakwana. Vanoongorora nezvechirwere ichi vanokurudzira vanhu vane pfari kuti vawane nguva yakakwana yokuzorora uye vaite maekisesaizi nguva dzose kuti vaderedze kunyanya kufunga. Pane dzimwe nguva, kushandisa mishonga kunogona kubatsira padambudziko iri.

Mumwe murume ari kuSouth Africa anonzi Sello ane chirwere chepfari uye akatadza kuenderera mberi nechikoro achiri muduku nemhaka yokurwara uku. Pakukura kwake akanga asingawani mishonga uye nemhaka yokusaenda kuchikoro akanga asingagoni kunyora. Nemhaka yokuti aida kunzwisisa zvinotaurwa muBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvakamubatsira. Havana kungodzidza naye Bhaibheri asi vakamubatsirawo kuti agone kuverenga. Uyewo mumwe chiremba uyo zvekare ari Chapupu akabatsira Sello kuti awane mishonga uye rubatsiro kuwerofeya. “Zvapupu zvaJehovha zvine rudo chaizvo,” anodaro Sello, uyo avawo Chapupu uye ari kunakidzwa nokuudzawo vamwe nezvevimbiso yaMwari yokuti kuchava nenyika itsva umo vanhu vachange vasingacharwari.—Zvakazarurwa 21:3-5.

Kubatsira Kwaungaita

Kana kugwinha kwapera . . .

  • Gwadama pedyo nemurwere uye bhendesa ruoko rwake nepagokora rwakatarisa mudenga

  • Isa rumwe ruoko romurwere pasi pedama rake zvinyoro-nyoro

  • Norumwe ruoko chirarisa murwere nedivi akatarisa kwauri wodhonzera kwauri gumbo riri pamusoro zvinyoro-nyoro. Chiita kuti gumbo iroro richigara pasi

  • Gadzirisa musoro wake kuti akwanise kufema zvakanaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe