RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 1/13 pp. 12-13
  • Kushanyira kuCameroon

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanyira kuCameroon
  • Mukai!—2013
Mukai!—2013
g 1/13 pp. 12-13

NYIKA DZAKASIYANA-SIYANA

Kushanyira kuCameroon

VANHU verudzi rwechiBaka—vanozivikanwawo semaPygmy—vanofanira kunge vari ivo vokutanga-tanga kugara muCameroon. VechiPutukezi vakazotanga kusvika makore okuma1500. Papera mazana emakore vanhu vechiPutukezi vasvika, vaFulani—vanhu vechiIslam—vakabva vakunda chikamu chokuchamhembe cheCameroon. Iye zvino pavagari vokuCameroon vanosvika 40 muzana vanozviti vaKristu, chikamu 20 muzana chinozviti vaMuslim, uye chimwe chikamu 40 muzana chinotevedzera tsika dzezvitendero dzemadzitateguru avo omuAfrica.

Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri muchiBassa, mutauro unoshandiswa kuCameroon

Vanhu vanogara kumaruwa munyika yeCameroon vane mutsa kuvaenzi. Vaenzi vanomhoroswa vopinzwa mumba mavanopiwa mvura yokunwa nezvokudya. Ukaramba zvokudya zvaunenge wapiwa zvinonzi unenge wavashora, asi ukagamuchira unenge waratidza kuvatenda.

Musati matanga kutaura dzimwe nyaya munotanga nokukwazisa mhuri yose nokubvunzana upenyu. Zvakajairika kunzwa vamwe vachibvunza kuti zvipfuyo zvakadii! “Muenzi kana ava kuenda, kungomuti ‘Mofamba zvakanaka,’ hazvina kukwana,” anodaro murume anonzi Joseph, anogara kuCameroon. “Kazhinji, muridzi wemba anoperekedza muenzi votombofamba mumugwagwa vachitaura sezvaanomuperekedza. Vati fambei, ndipo paanozochionekana naye iye odzokera kumba. Muenzi anenge asina kugamuchirwa seizvi anogona kufunga kuti zvimwe atarisirwa pasi.”

Zvikepe zvinogadzirwa nemakwati emiti zvinowanzooneka muRwizi rwaSanaga. Maseiri acho anogadzirwa nechero chavanenge vawana

Pamunenge muchidya, dzimwe nguva boka reshamwari rinogona kudyira mundiro imwe chete dzimwe nguva vachitodya nemaoko. KuCameroon, iyi itsika inoratidza kuti vanhu vakabatana zvechokwadi. Dzimwe nguva izvi zvinowanzoitwa kuti ushamwari hwakanga hwava nemakore hwapera humutsidzirwe. Zvose izvi zvinoratidza kuti kudya pamwe chete zvakangofanana nokutaura kuti, “Tinowirirana.”

Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa magazini ino, zvakarongwa kuva ungano dzinopfuura 300 muCameroon uye zvinodzidzisa Bhaibheri vanhu vanenge 65 000 munyika iyoyo

ZVAKAITA NYIKA YACHO

Pavanhu vechiPygmy anenge akura anenge akareba mamita ari pakati pe1.2 uye 1.42

  • Nhamba yevagari: Vanenge mamiriyoni 20

  • Guta Guru: Yaoundé

  • Mamiriro okunze: Nechokuchamhembe kunopisa uye hakuna mvura asi nzvimbo dziri pedyo negungwa dzinopisa uye dzichinaya mvura yakawanda

  • Zvavanotengesa kune dzimwe nyika: Oiri, cocoa, kofi, donje, mapuranga, simbi yealuminum

  • Mitauro inoshandiswa: Chirungu uye chiFrench, pamwe chete nemimwe mitauro 270 yemuAfrica inotaurwa zvakasiyana-siyana

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe