2. Ngazvigare Zvakachena
CHIREMBA wokuvhiya anodzivirira varwere vake pazvirwere nokugeza maoko ake, kugeza zvinhu zvaanoshandisa nemishonga kuitira kuti utachiona hufe uye kuchenesa imba yaanovhiyira. Iwewo unogona kudzivirira mhuri yako nokuona kuti iwe pachako wakachena, imba yaunobikira yakachena uye zvokudya zvacho zvakachena.
● Geza maoko.
Sangano rekuCanada rinoona nezvoutsanana rinonzi Public Health Agency of Canada rinoti “pazvirwere zvinopomeranwa pavanhu zvakadai sechikosoro uye furuu zvizhinji zvacho zvinokonzerwa nemaoko asina kuchena.” Saka geza maoko ako zvakasimba nesipo nemvura usati wadya, wabva kuchimbuzi uye wava kuda kubika.
● Kicheni ngaigare yakachena.
Imwe ongororo yakaitwa inoratidza kuti kana pari pamba zvimbuzi zvinotova noutachiona hushoma kana zvichienzaniswa neutachiona huri pamicheka yendiro nezvisukiso.
Saka garai muchichinja micheka yendiro uye shandisai mvura inopisa ine sipo kana kuti mishonga inouraya utachiona kuti muchenese zvinhu zvinoshandiswa mukicheni. Ichokwadi kuti izvi hazvisi nyore. Mumwe mukadzi anonzi Bola pamba pake hapana mvura yomupombi. Anoti, “Hazvisi nyore. Asi tinotova nechokwadi chokuti tine sipo nemvura nguva dzose kuitira kuti kicheni nezvimwe zvose pamba zvigare zvakachena.”
● Suka zvokudya.
Zvirimwa pazvinounzwa kumusika zvinogonawo kunge zvakamboendwa nemvura yakasviba, tsvina kana kuti nyama mbishi. Saka, kunyange zvazvo uchizomenya muchero kana kuti muriwo, zvinokosha chaizvo kuti uusuke zvakakwana kuti ubvise utachiona hunorwarisa. Izvi zvinotora nguva. Mumwe mudzimai wokuBrazil anonzi Daiane anoti, “Pandinogadzira muriwo wangu, handiiti zvokumhanyamhanya ndinotoona kuti ndanyatsousuka.”
● Usasanganisa nyama mbishi.
Kuti utachiona husabva pane zvimwe zvokudya huchienda pane zvimwe, nyatsoputira nyama yose mbishi imwe neimwe payo yoga, yenguruve, yehove, yemombe, uye usazvisanganisa nezvimwe zvokudya. Pakucheka zvokudya zvakasiyana-siyana usashandisa banga rimwe chete uye bhodhi rimwe chete asi kana kuri kuti washandisa rimwe chete nyatsogeza banga racho kana kuti bhodhi racho nemvura inopisa ine sipo usati wachekera nyama mbishi pariri uye wazopedza.
Iye zvino, iwe wacho wakachena, zvauri kushandisa zvakachena uye zvokudya zvacho zvakachena, saka ungaitei kuti zvauchabika zvisarwarisa?
[Bhokisi riri papeji 15]
DZIDZISA VANA VAKO: “Tinodzidzisa vana vedu kuti vageze maoko vasati vadya uye kuti vageze kana kurasa zvokudya zvinenge zvawira pasi.”—Hoi, Hong Kong