RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 October p. 29
  • “Handina Kufa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Handina Kufa”
  • Mukai!—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Munhu Akafa Anoendepi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Midzimu Haina Kurarama Ndokufira Pasi Pano
    Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?
  • Tichazomboona Vakafa Here?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Vakafa Vari Kupi?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Mukai!—2011
g11 October p. 29

“Handina Kufa”

“Musamira paguva rangu muchichema,

handimo.

Handina kufa.”

● Mashoko aya imhedziso yedetembo rinozivikanwa chaizvo kunyika dzinotaurwa Chirungu uye rakapedzisira raitwa rwiyo. Makumi emakore achangopfuura, detembo iri rakanyaradza vanhu vakasiyana-siyana pasi rose. Vamwe vaiti nyanduri nhingi ndiye akanyora, vamwe vachitaura zvakasiyana. Vamwe vakati uyu munamato unoitwa neverudzi rwechiNavajo panovigwa munhu anenge afa.

Mumakore achangopfuura detembo iri rakamboita mukurumbira kuJapan, asi rakaitawo kuti vakawanda vatange kuvhiringika. Vanhu vokuJapan vanowanzoenda kuguva rehama yavo inenge yakafa vachinoita zvirango vachifunga kuti hama yavo iri kuziva zviri kuitika. Sezvo detembo iri richitaura zvakasiyana nezvavanotenda, zvinoita kuti vakawanda vave nomubvunzo wokuti, “Vakafa vambori kupi chaizvo?”

VaBhudha vokuJapan vagara vachiungana pamariro, vachipupudza uye kuita manyaradzo. Asi vakawanda vavo havakwanisi kupindura mibvunzo yokuti, Vakafa vari kupi? Vanhu vezvimwe zvitendero kana vemamwe marudzi pavanofa vanoenda kunzvimbo imwe chete here? Nei vakafa vasingapinduri?

Vanhu vakawanda vanofunga kuti mibvunzo iyi haina mhinduro uye kuti kutsvaka mhinduro dzacho kutambisa nguva. Pasinei nezvingataurwa nevanhu, zvinogona kunge zvichikunetsawo kuti, ‘Chii chinomboitika kana tafa?’ Mhinduro dzacho dzinombowanikwa kupi? Bhaibheri rinoti Mwari akasika murume nomukadzi vokutanga vasina chivi ndokubva avapa munda weEdheni kuti uve musha wokuti vagare. Dai vaizoteerera Mwari vaizorarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano. Asi havana kuteerera.

Saka Mwari akabva atora matanho. Akavadzinga mumusha wavo weparadhiso uye haana kuramba achivatsigira kuti vararame nokusingaperi. Akavatsanangurira kuti kusateerera kwavo kwaizoguma nei paakati: “Zvauri guruva uchadzokerazve kuguruva.” Munhu akasikwa pachishandiswa guruva, saka paanofa anozodzokera kwariri.—Genesisi 2:7; 3:19, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Mumwe murume anogara muguta reKofu, kuJapan anotarisira imwe nzvimbo huru yemakuva akati: “Dota revanhu vanenge vapiswa uye mapfupa avo pazvinoiswa mumabhokisi zvinenge zvakazara. Pashure pemakore mashanu anenge ava muhafu. Panozopera makore gumi mubhokisi munenge musisina chinhu.” Miviri yedu yakagadzirwa nezvinhu zvinowanikwa muguruva, saka nokufamba kwenguva nyama inotanga kuora zvokuzopedzisira yava guruva. Saka chii chinosara?

Pasinei nokuti pfungwa dzedu dzinoparara patinofa, Musiki wedu uyo anoziva kunyange shiri imwe duku inenge yafa, anotiyeuka chaizvo. (Mateu 10:29-31) Kutaura chokwadi achatimutsa sekuvimbisa kwaakaita. Achatidana kubva muhope dzorufu.—Jobho 14:13-15; Johani 11:21-23, 38-44.

Kana uchida kuziva zvakawanda nezvenyaya iyi, wakasununguka kunyorera vanobudisa magazini ino, uye vachafara kukubatsira nemamwe mashoko, kana kuti unogona kuenda paIndaneti pawww.watchtower.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe