RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 July p. 3
  • Kurasikirwa Kwakaoma Kutsungirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurasikirwa Kwakaoma Kutsungirira
  • Mukai!—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Paunonzwa Sekuti Hauchagoni Kutsungirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • “Ndakachengeta Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • “Mumiromo Yavacheche”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Vaudze Kuti Unovada
    Zvakaitika
Mukai!—2011
g11 July p. 3

Kurasikirwa Kwakaoma Kutsungirira

Nicolle aiva kasikana kakagwinya. Asi rimwe zuva manheru akataura kuti airwadziwa nemusoro, uye vabereki vake vakaenda naye kuchipatara. Manheru akatevera, paakanga achiri kuongororwa, mwoyo waNicolle wakatadza kunyatsoshanda zvakanaka. Dzimwe ongororo dzakaratidza kuti aiva nechirwere chisingawanzowaniki chinokonzerwa nemabhakitiriya akanga apararira kumapapu ake, itsvo uye mwoyo. Mumaawa 48, Nicolle akanga afa. Aiva nemakore matatu chete.

KUFIRWA nemunhu waunoda ndechimwe chezvinhu zvinorwadza zvikuru zvinoitika kuvanhu. Dzimwe nguva, kurasikirwa kwacho kungaita sekusingatsungiririki. Isabelle, amai vekasikana kataurwa pamusoro apa anoti, “Ndinosuwa Nicolle zvikuru. Ndinosuwa kumbundirwa naye, kunhuwirira kwake, uye unyoro hwake. Ndinosuwa kundipa kwaaiita ruva mazuva ose. Ndinogara ndichifunga Nicolle.”

Wakafirwawo here nemunhu waunoda—angava mwana, wawakaroorana naye, mukoma kana munin’ina, mubereki, kana kuti shamwari yepedyo? Kana zvakadaro, ungatsungirira sei kusuruvara?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe