RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 January p. 3
  • “Dambudziko Rapararira Rokusavimbana”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Dambudziko Rapararira Rokusavimbana”
  • Mukai!—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Pane Kusavimbana?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Chivimbo Chinogona Kudzorerwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Vakomana Vairi Vanoraramazve
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2011
g11 January p. 3

“Dambudziko Rapararira Rokusavimbana”

MuWest Africa, mukomana ane makore 12 akapiwa mubhedha muchipatara nokuti akashandisa mapiritsi ekunyepedzera anonzi ekurwisa marariya akatengwa naamai vake muchitoro chepamutemo chinotengesa mishonga. Chiremba wepane chimwe chipatara anoti: “Kwemakore 15 mishonga yekunyepedzera yave ichitengeswa.”a

MuAsia, vabereki vekakomana kacheche vanorohwa nehana pavanoziva kuti mukaka unonzi unopa utano wavange vachipa mwana wavo une muchetura. Zvinosuruvarisa kuti mwana wacho anofa.

Mumwe muzvinabhizimisi anovimbwa naye wokuAmerica anotsotsa vanhu mabhiriyoni emadhora! Zviuru zvevanhu zvinoona kuti mari dzavo dzemudyandigere dzakadyiwa mune chiri kunzi “chitsotsi chemuzana rino remakore.”

MAZUVA ano, anenge munhu wose akambobatiswa pasi nemunhu waaivimba naye. Pepanhau rechiFrench rinonzi Le Monde rinoti mamiriro akaipa munyaya dzeupfumi munyika yose ari kunyanya kukonzerwa nerinonzi “dambudziko rapararira rokusavimbana.”

Zvii zvakaita kuti “dambudziko rokusavimbana” rivepo mazuva ano? Pane mumwe munhu waungavimba naye here?

[Mashoko Omuzasi]

a Yakataurwa mupepanhau rinonzi Le Figaro, rinobudiswa kuParis, France.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe