Munogona Kuramba Muri Mose Here?
Varidzi vemba vaona kuti imba yavo yasakara, asi vasarudza kuti vaigadzirise.
NDIZVO zvaungada kuita paukama hwako newawakaroorana naye here? Kana zvakadaro, ungatangira papi? Edza kushandisa pfungwa dzinotevera.
1 Sarudza zvokuita, wozviita.
Bvumirana nemumwe wako kuti muchashanda pamwe chete kuti muvezve norugare mumba menyu. Edzai kuita zvokunyora zvamasarudza kuita. Kana mose makazvipira, muchashandira pamwe kugadzirisa matambudziko enyu.—Muparidzi 4:9, 10.
2 Ziva dambudziko racho.
Chii chakambovhiringidza imba yenyu? Mumutsara mumwe chete, nyora zvaunofunga kuti hamusi kuita kana zvaunoda kuti zvigadziriswe. (VaEfeso 4:22-24) Zvinogona kuitika kuti dambudziko rawaona ringave rakasiyana neraonekwa nemumwe wako.
3 Iva nechaunovavarira kuita.
Pashure pemwedzi mitanhatu, zvii zvaungada kuona zvagadzirika paukama hwako newawakaroorana naye? Nyora zvaunoda kuita. Kana wave kunyatsoziva zvaunoda kugadzirisa mumba menyu, kuzviita kunova nyore.—1 VaKorinde 9:26.
4 Shandisa zano reBhaibheri.
Kana wangoziva dambudziko renyu uye wasarudza zvamunoda kugadzirisa, tsvaga mazano muBhaibheri. Mazano aro anoshanda nguva dzose. (Isaya 48:17; 2 Timoti 3:17) Somuenzaniso, Bhaibheri rinokukurudzirai kuti muregererane. Chokwadi, Bhaibheri rinoti ‘zvakanaka kuregerera kudarika.’—Zvirevo 19:11; VaEfeso 4:32.
Kana zvaunoda zvikaita sokuti hazvisi kubudirira usakanda mapfumo pasi! Bhuku rinonzi The Case for Marriage rinotaura zvakanaka zvakaonekwa pane kumwe kuongorora richiti: “Zvakaonekwa zvacho zvinoomesa mate mukanwa: Pavanhu zana voga voga vakaroorana vakanga vasiri kufara asi vakaramba vari vose, 86 vacho vakaona kuti pashure pemakore mashanu mhuri dzavo dzakanga dzavazve kufara.” Kunyange vaya vakaroorana vaiona sokuti mhuri dzavo dzakanga dzisingatombofari, pakupedzisira zvinhu zvakazonaka.
Zvimwe ndizvo zvinogona kuitikawo kwauri. Zvapupu zvaJehovha, vabudisi vemagazini ino, vakaona kuti Bhaibheri rine mazano anobatsira chaizvo vaya vakaroorana. Somuenzaniso, dzimba dzakawanda dzinova nani vakaroorana vacho pavanoitirana mutsa, vachinzwirana tsitsi chaizvo uye vachikanganwirana nomwoyo wose. Madzimai akadzidza kukosha kwokuva ‘vanhu vakanyarara uye vanyoro,’ uyewo varume vakaona kubatsira kwokusatsamwira chaizvo madzimai avo.—1 Petro 3:4; VaKorose 3:19.
Aya mazano eMagwaro anoshanda nokuti Muridzi weBhaibheri, Jehovha Mwari, ndiye akaita urongwa hwokuroorana. Wadii kukumbira Zvapupu zvaJehovha mamwe mashoko anoratidza kubatsira kungaita Bhaibheri imba yenyu?a
a Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa bhuku rine mapeji 192 rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri kuti zvibatsire mhuri. Kuti uwane mamwe mashoko, nyorera vabudisi varo pakero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.