RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 April p. 3
  • “Ngatirambane!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ngatirambane!”
  • Mukai!—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzero Yechatanuro
    Mukai!—1992
  • Chatanuro—Muuyo Wayo Wakakomba Zvikuru
    Mukai!—1992
  • Chatanuro—Chii Chinotaura Bhaibheri Chaizvoizvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Chatanuro Inofanira Kubvumirwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 April p. 3

“Ngatirambane!”

Imba yasakara inoratidza kuti haisi kutarisirwa. Kwemakore, yakapfuura nomumadutu akawanda, asi haina kuakunda ose. Iye zvino imba yacho haisisina kusimba, uye inoratidza kuti ingangowondomoka chero nguva.

IZVOZVO ndizvo zvakaita ukama hwevakaroorana vakawanda mazuva ano. Wakambofungawo here kuti ukama hwako newawakaroorana naye ndizvo zvahwava kuda kuita? Kana kuri kuti ndizvo, iva nechokwadi chokuti hapana vakaroorana vasina matambudziko. Kutaura chokwadi, Bhaibheri rinobvuma kuti vaya vanoroorana “vachasangana namatambudziko mazhinji.”—1 VaKorinde 7:28, Bhaibheri Dzvene.

Chimwe chikwata chevanotsvakurudza, chakatsigira kuti izvi ndezvechokwadi pachairondedzera nezvekuroorana chichiti “kuroorana kuri kuitwa nevanhu vakawanda munharaunda kune mikana yakawanda yokuti kungangotadza kubudirira.” Chakawedzera kuti: “Ukama hwevakaroorana hunotanga huchinakidza zvokunakidza zviya vachiita zvavakavimbisana, pakupedzisira hunogona kuzova chinhu chinovhiringidza uye chinorwadza zvakanyanyisa muupenyu hwavo.”

Zvakadini noukama hwako newawakaroorana naye? Pazvinhu zviri pasi apa, pane zviri kuitika kwamuri here?

  • Kugara muchingopopotedzana

  • Kukandana magara mwoyo

  • Kuita gumbo mumba gumbo kunze

  • Kuchengeta chigumbu

Kana kuri kuti ukama hwako newawakaroorana naye hwava zinyekenyeke uye kuti hungangoparara chero nguva, zvii zvaungaita? Kurambana ndiko kuzvipedza here?

“ZVINHU ZVAINGOITWA NEVANHU VASHOMANANA IYE ZVINO ZVOITWA NORUZHINJI”

Mune dzimwe nyika kurambana kwawedzera zvakanyanya. Chimbofunga nezvekuUnited States, uko nyaya yokurambana kwevanhu yakanga isina kunyanya kujairika. Asi sezvakazonyorwa nomumwe mukadzi anonzi Barbara Dafoe Whitehead mubhuku rake rinotaura nezvokurambana akati, “nhamba yevanhu vari kurambana yakawedzera zvinotyisa” pashure pegore ra1960. Anoti: ‘Nhamba yacho yakawedzera nekaviri mumakore anenge gumi uye yakaramba ichiwedzera kusvikira pakutanga kwema1980. Panguva iyoyo ndipo pakava nenhamba yekurambana yakakura munzvimbo dzokuEurope neNorth America uye nhamba yacho haina kuzowedzera. Izvi zvakabva zvaita kuti kurambana kwaingoitwa nevanhu vashomanana kupedzisire kwava kuitwa noruzhinji rwevanhu vokuAmerica mumakore makumi matatu.’

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe