RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 January pp. 22-25
  • Dzimwe Mhuri Dzakabudirira—Chikamu 2

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzimwe Mhuri Dzakabudirira—Chikamu 2
  • Mukai!—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Vaudze Kuti Unovada
    Zvakaitika
  • “Ndakachengeta Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Mukai!—2010
g10 January pp. 22-25

Dzimwe Mhuri Dzakabudirira—Chikamu 2

Sezvatsanangurwa munyaya inoti “Dzimwe Mhuri Dzakabudirira—Chikamu 1,” zvinotaura Bhaibheri zvinogona kutsigisa mhuri panguva yakaoma.a Jehovha Mwari anovimbisa vaya vanorarama sezvaanoda, kuti: “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.”—Pisarema 32:8.

Kutsungirira dambudziko remari. Nyaya dzemari kazhinji ndidzo dzinoita kuti vakaroorana vakakavadzane chaizvo. Asi zvinotaura Bhaibheri zvinogona kubatsira mhuri kuti dzive nemaonero akanaka padzinova nematambudziko emari. Jesu akati: “Regai kuzvidya mwoyo pamusoro pemweya yenyu pamusoro pechamuchadya kana chamuchanwa, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei. . . . Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.”—Mateu 6:25, 32.

Papeji 23, Issachar, wokuUnited States, anotsanangura kutsungirira kwaakaita nemhuri yake matambudziko emari, imba yavo payakaparadzwa nedutu rainzi Katrina.

Mumwe wemumhuri paanorwara. Vanenge vanhu vose vanomborwara. Zvinowanzotora nguva pfupi uye vanokurumidza kupora. Asi zvakadini kana mumwe wemumhuri achingogara achirwara? Bhaibheri rinoti Jehovha anogona kutsigira vaya vari pamubhedha wourwere. (Pisarema 41:1-3) Jehovha angashandisa sei mhuri kuti atarisire vakadaro?

Papeji 24, Hajime, mumwe murume wokuJapan, anotsangura mashandiro aakaita pamwe chete nevanasikana vake kuti vabatsire mudzimai wake, Noriko, pashure pokunge abatwa chirwere chakaipa chaizvo.

Mwana paanofa. Kufa kwemwana nderimwe rematambudziko makuru chaizvo angauya pamhuri. Jehovha anovimbisa kuti achapukuta misodzi yokusuruvara inokonzerwa nekufirwa kwakadaro. (Zvakazarurwa 21:1-4) Kunyange iye zvino anonyaradza vanenge vafirwa.—Pisarema 147:3.

Papeji 25, Fernando naDilma, vokuUnited States, vanotsanangura kusimbiswa kwavakaitwa neBhaibheri kuti vatsungirire kufa kwemwanasikana wavo mucheche.

Sezvinoratidzwa nenyaya dziri pamapeji anotevera, Bhaibheri rine mazano akavimbika anobatsira mhuri dzinowirwa nematambudziko.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona mapeji 14-17 emagazini ino.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 23]

Kutsungirira Dambudziko Remari

Yakataurwa naIssachar Nichols, wokuUnited States

“Dutu rainzi Katrina rakaparadza imba yedu, rikangosiya sirabhu yekongiri chete. Chikoro chandaidzidzisa chakapedza mwedzi nehafu chiri mumvura.”

MUNA August 2005, ini nemudzimai wangu Michelle nemwanasikana wedu aiva nemakore maviri, anonzi Sydney, taigara muBay St. Louis, iri muMississipi, kuUnited States of America. SeZvapupu zvaJehovha, ini naMichelle taiva nechinangwa chokushanda zvizere muushumiri hwechiKristu sezvataigona. Ndaidzidzisa unyanzvi hwebasa remakombiyuta, uye chikoro chandaidzidzisa chaiva pedyo muNew Orleans, iri muLouisiana. Purogiramu yangu yaindibvumira kushanda mazuva matatu pavhiki uye kushandisa yakawanda yenguva yaisara kudzidzisa vamwe nezveBhaibheri. Takanga tajaira kuita izvozvo. Panguva iyoyo takanzwa kuti zvimwe dutu rainzi Katrina raizouya. Takabva tangoronga kubva munzvimbo iyoyo.

Pakapera dutu racho, imba yedu yaiva muBay St. Louis yakanga yaparadzwa uye chikoro chandaidzidzisa chaiva muNew Orleans chakanga chapararawo. Takakwanisa kuwana pokugara nemari yeinishuwarenzi uye mari yatakapiwa nehurumende, asi ndakatambura kuti ndiwane basa rairamba richindiwanisa mari. Uyezve, mudzimai wangu akabatwa neutachiona hwakabva mumvura yakasvibiswa. Muviri wake wakanga usingachakwanisi kuzvidzivirira pazvirwere, saka akabatwa nechirwere chinonzi West Nile chinokonzerwa nekurumwa neumhutu. Panguva iyoyo, mari yokubhadhara inishuwarenzi uye yokushandisa yakawedzera chaizvo.

Kuti tirarame maererano nemamiriro ezvinhu matsva aya, takadzidza kungwarira pakushandisa mari, kunyange pazvinhu zvataitofanira kuva nazvo. Ndaitofanira kusiya pfungwa yokuti handidi basa rakati.

Chokwadi zvakanga zvisiri nyore kurasikirwa nezvinhu zvedu. Asi takaonga kuti taiva vapenyu. Uye zvose zvatakasangana nazvo zvakanyatsosimbisa chokwadi chokuti kuva nezvinhu zvakawanda hakukoshi. Chokwadi, zvakatiyeuchidza mashoko aJesu okuti: “Kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”—Ruka 12:15.

Takaonawo kuti pasinei nokurwadziwa kwatakaita nokurasikirwa nezvinhu zvedu, pane vazhinji vakanga varasikirwa nezvakawanda kutipfuura—vamwe vakanga vatorasikirwa neupenyu hwavo. Izvozvo ndizvo zvakaita kuti pashure penjodzi yacho ndibve ndangobatikana nokubatsira vamwe vakanga varasikirwa, ndichivanyaradza.

Mumatambudziko ose aya, Pisarema 102:17 rave richitinyaradza chaizvo. Rinoti Jehovha Mwari “achateerera munyengetero wevaya vaka[torerwa] zvinhu zvose, haazozvidzi munyengetero wavo.” Semhuri, takaona kutitsigira kwaakaita!

[Bhokisi riri papeji 23]

Dutu rainzi Katrina nerimwe rainzi Rita, paakarova U.S. Gulf Coast muna 2005, Zvapupu zvaJehovha zvakakurumidza kugadzira nzvimbo 13 dzaiona nezvokuyamura, nzvimbo pfumbamwe dzokuchengetera zvinhu, uye nzvimbo ina dzemafuta emotokari. Zvapupu zvinenge 17 000 zvakazvipira zvichibva muUnited States uye kune dzimwe nyika 13 kuzobatsira pabasa rokuyamura. Zvakagadziridza zviuru zvedzimba.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 24]

Mumwe Wemumhuri Paanorwara

Yakataurwa naHajime Ito, wokuJapan

“Tainakidzwa nokubika pamwe chete Noriko asati arwara. Iye zvino haakwanisi kudya kana kunwa nomuromo uye haakwanisiwo kutaura. Anogara ari pawiricheya uye anobatsirwa kufema nemuchina.”

MUNA May 2006, mudzimai wangu, Noriko, akatanga kuva nedambudziko rokutaura. Mumwaka iwoyo akatanga kunetseka nokudya uye kunwa. Pakazosvika September akanga abatwa chirwere chinonzi amyotrophic lateral sclerosis (ALS)—chirwere chinoramba chichikanganisa masero etsinga dzouropi uye dzomuzongoza. Mumwedzi mina chete, upenyu hwedu hwakachinja zvachose. Uku kwaingova kutanga kwematambudziko aNoriko.

Nokufamba kwenguva, rurimi rwaNoriko rwakaoma uye ndizvo zvakaitawo ruoko rwake rwerudyi. Akaiswa chubhu yokudyisa nechepadumbu, ndokuzoiswawo buri rokufemesa nechepahuro, izvo zvakaita kuti atadze kutaura. Izvi zvinofanira kunge zvakatambudza Noriko zvisingatauriki, nokuti akanga agara ari munhu aimhanya-mhanya nebasa. Tiri Zvapupu zvaJehovha uye Noriko nevanasikana vangu vaipedzera nguva yavo yakawanda muushumiri hwechiKristu. Iye zvino Noriko anobatsirwa kufema nemuchina, uye nguva zhinji anenge akarara.

Kunyange zvakadaro, izvi hazvikandisi Noriko mapfumo pasi! Somuenzaniso, anopinda misangano yechiKristu ari pawiricheya, aine muchina unomubatsira kufema. Haachanyatsonzwi, saka mwanasikana wangu anoita zvekumunyorera nemabhii makuru zvinenge zvichitaurwa pamisangano kuitira kuti abatsirwe nepurogiramu yacho. Kunyange zvazvo Noriko aifanira kurega ushumiri hwenguva yakazara, achiri kunyorera vanhu tsamba, achivadzidzisa nezvezvinhu zvinopa tariro zviri muBhaibheri achishandisa zvinhu zvakawedzerwa pakombiyuta yedu.—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1-4.

Takashanda pamwe chete semhuri kuti tibatsire Noriko. Vanasikana vangu vakachinja mabasa kuitira kuti vave nenguva yokubatsira zvakanyanya pamba. Tiri vatatu tinoita mabasa akawanda ezuva nezuva aiichimboitwa naNoriko.

Dzimwe nguva ari mangwanani pandinotarira Noriko, anenge achiita seakaneta. Ndinoti, ‘Ndinoda kumuudza kuti imbozorora nhasi.’ Asi Noriko anenge achida kuudza vamwe mashoko ari muBhaibheri. Chiso chaNoriko chinoratidza kufara pandinotanga kumugadzirira kombiyuta! Paanonyora anobva aratidzika zviri nani. Ndava kuona kukosha ‘kwokuva nezvizhinji zvokuita mubasa raShe.’—1 VaKorinde 15:58.

Zvakataurwa nemumwe anorwara neALS anonzi Jason Stuart, zviri muAwake! yaJanuary 2006, zvakabatsira Noriko chaizvo kuti asaora mwoyo. Vamwe vashandi vepachipatara pavaida kuziva chaiita kuti ave nemaonero akanaka akadaro, Noriko akavaudza nezvenyaya yacho, uye takavapa magazini acho. Mudzimai wangu anosimbiswa chaizvo nokudzidzisa vamwe nezvekutenda kwake.

Ini naNoriko tave takaroorana kwemakore 30, asi kwemakore matatu apfuura, ndakasvika pakunzwisisa zvimwe zvinhu zvaanoita zvandaiona sezvisina basa. Ndinofara chaizvo kuti ndakamuroora!

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 25]

Mwana Paanofa

Yakataurwa naFernando naDilma Freitas, vokuUnited States

“Kurwadziwa kwaunoita kana wafirwa nemwana hakutsananguriki. Kurwadziwa kwacho hakuiti.”

MWANASIKANA wedu, watakapa zita rokuti Precious, akashaya musi waApril 16, 2006. Aiva nemazuva gumi chete. Pamuviri pava nemwedzi inenge mitatu, vanachiremba vakaona kuti mwoyo wemwana wedu akanga asati aberekwa wakanga usina kumbomira zvakanaka. Nguva yokuti azvarwe zvayakaswedera pedyo, zvakava pachena kuti kunyange aizoberekwa ari mupenyu, aizongofa pasina nguva. Izvi zvakanga zvakaoma chaizvo kuzvibvuma. Taiva nevana vatatu vaiva neutano hwakanaka. Zvaisadavirika kuti kacheche kedu kaizofa.

Precious azvarwa, mumwe mazvikokota akaona kuti aiva nechirwere chisingawanzobati vanhu chinonzi Trisomy 18, chinobata anenge mwana mumwe chete pavana 5 000 voga voga. Zvaiva pachena kuti aisazorarama kwenguva yakareba. Takanzwa tapererwa nekuti pakanga pasina zvakawanda zvataigona kuita. Chinhu chimwe chete chataigona kuita kwaiva kuva naye kwenguva pfupi iyoyo yeupenyu hwake. Saka ndizvo zvatakaita.

Tinoonga chaizvo kuti takakwanisa kuva naPrecious kwemazuva gumi iwayo. Panguva iyoyo isu nevanasikana vedu vatatu takanzwa tiri pedyo chaizvo naye. Taimubata, taitaura naye, taimumbundira, taimutsvoda, uye takamutora mapikicha akawanda chaizvo. Takatotaura kuti ndiani waakanga akanyanya kufanana naye mumhuri yedu. Mazvikokota akabata chirwere chaPrecious aitishanyira mazuva ose kuchipatara. Aichema nesu uye akatiudza kuti aiva neurombo zvikuru. Akatodhirowa mufananidzo waPrecious paaitaura nesu kuti azomuyeuka uye akatipawo mumwe mufananidzo wacho.

Isu tiri Zvapupu zvaJehovha uye tinonyatsotenda zvinodzidziswa neBhaibheri, kuti Mwari achaitazve kuti pasi rino rive paradhiso uye kuti anosuwa kuita kuti vaya vakafa vavezve vapenyu—kusanganisira vacheche vakaita saPrecious. (Jobho 14:14, 15; Johani 5:28, 29) Tinotarisira nguva yatichazomubata uye kumumbundirazve. Pose patinonzwa shoko rokuti “paradhiso,” tariro iyoyo inoita kuti tifare! Panguva ino tinonyaradzwa nokuziva kuti Precious ari kuyeukwa naMwari uye haasisiri kutambura.—Muparidzi 9:5, 10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe