Chinokosha 7: Fandesheni Yakasimba
Zvazvinoreva. Imba haikwanisi kuramba yakamira kwemakumi emakore isina fandesheni yakasimba. Ndizvo zvakaitawo mhuri dzakasimba. Hadzingoerekani dzakwanisa kutsungirira. Mhuri dzinobudirira dzinofanira kuvakirwa pafandesheni yemazano anoshanda.
Nei zvichikosha. Mazano ane chokuita neupenyu hwemhuri akazara mumabhuku, magazini, uye mapurogiramu eTV. Vamwe vanopa vakaroorana mazano vanokurudzira vaya vane matambudziko kuti vagare vose, asi vamwe vanovakurudzira kuti varambane. Nyanzvi dzinotochinja mafungiro adzo panyaya idzi. Somuenzaniso, muna 1994 mumwe chipangamazano akakurumbira anoona nezvematambudziko evari kuyaruka akanyora kuti paakatanga basa rake, aifunga kuti “zvaiva nani kuti vana vagare nemubereki mumwe anofara pane kugara nevabereki vaviri vasingafari. Ndaifunga kuti zvaiva nani kuti vanhu varambane pane kuramba vakaroorana vachitambura.” Asi, pashure pokuwana ruzivo kwemakore makumi maviri, akachinja mafungiro ake. Akati, “Kurambana kunoparadza vana vakawanda.”
Zvinofungwa nevanhu zvingachinja, asi mazano akanyanya kunaka ayo vanhu vangawana, nguva dzose achange achingotaura zvimwe zviri muShoko raMwari, Bhaibheri. Pawange uchiverenga nyaya idzi, ungave waona kuti pamapeji 3-8 nechepamusoro pakanyorwa zvinotaura Bhaibheri. Izvozvo zvakabatsira mhuri dzakawanda kuti dzibudirire zvechokwadi. Kufanana nedzimwe mhuri dzose, mhuri idzodzowo dzinosangana nematambudziko. Chinoita kuti dzisiyane nedzimwe ndechokuti Bhaibheri rinodzipa fandesheni yakasimba yokuvakira ukama hwevakaroorana uye upenyu hwemhuri. Tingatarisira kuti Bhaibheri ridaro, nokuti Muridzi waro, Jehovha Mwari, ndiye akatanga mhuri.—2 Timoti 3:16, 17.
Edza kuita izvi. Nyora magwaro ane mashoko akanyorwa nechepamusoro pepeji 3 kusvika ku8. Wedzera chero mamwe mavhesi eBhaibheri akakubatsira. Achengete pari nyore kuzoawana, uye gara uchiaverenga.
Sarudza zvokuita, wozviita. Tsunga kushandisa Bhaibheri muupenyu hwako hwemhuri.
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Mhuri yako ingakunda matambudziko akaita semadutu, kana yakavakirwa pafandesheni yeMagwaro