RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 January p. 7
  • Chinokosha 5: Kunzwisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinokosha 5: Kunzwisisa
  • Mukai!—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Sakurira Kuva Nomufungo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kana Mwana Wako Ari Kuyaruka Asisina Chokwadi Nezvaunotenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Dzidzisai Vari Kuyaruka Zvichazovabatsira Kana Vakura
    Mukai!—2011
  • Unoda Kuti Mwana Wako Azova Munhu Akaita Sei?
    Mukai!—2011
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 January p. 7

Chinokosha 5: Kunzwisisa

“Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe.”—VaFiripi 4:5.

Zvakunoreva. Mumhuri dzinobudirira, varume nemadzimai vanogara vachiregererana zvavanenge vakanganisirana. (VaRoma 3:23) Uyewo havanyanyi kuomesera vana vavo kana kuti kuvatunhidza. Havaisi mitemo yepamba yakawandisa. Pavanovaruramisa, vanozviita “zvakafanira.”—Jeremiya 30:11.

Nei kuchikosha. Bhaibheri rinoti “uchenjeri hunobva kumusoro . . . hunonzwisisa.” (Jakobho 3:17) Mwari pachake haatarisiri kuti vanhu vanotadza vasakanganisa, saka nei vakaroorana vangatarisira kusakanganisirana? Chokwadi, kugara muchingoshorana pamusana petwuzvikanganiso hakugadzirisi zvinhu, asi kunongoguma nezvigumbu. Zvakanyanya kunaka kubvuma chokwadi chokuti “tose tinokanganisa kazhinji.”—Jakobho 3:2.

Vabereki vanobudirira vanoratidza kunzwisisa pane zvavanoita nevana vavo. Havavarangi zvakapfurikidza, uyewo havasi “vakaoma kufadza.” (1 Petro 2:18) Vanopa rusununguko vari kuyaruka vanoratidza kuti vava kuziva zvavari kuita. Havati nangananga nekese kavanoita. Rimwe bhuku rinoti kuti nangananga nekese kane chokuita neupenyu hwevari kuyaruka “kwakafanana nokubindauka uchitambira kuti mvura inaye. Izvozvo hazvimboiti kuti mvura inaye, asi zvichangokupedza simba.”

Edza kuita izvi. Ona kuti unonzwisisa zvakadini nokupindura mibvunzo iri pasi apa.

◼ Wakapedzisira rini kurumbidza mumwe wako?

◼ Wakapedzisira rini kutsoropodza mumwe wako?

Sarudza zvokuita, wozviita. Kana watamburira kuwana mhinduro yemubvunzo wokutanga pane iri padivi apa asi ukasava nedambudziko pakupindura wechipiri wacho, funga zvaungavavarira kuita zvingaita kuti uve anonzwisisa kune vamwe.

Wadii kukurukura nemumwe wako zvinhu zvamungatsunga kuita?

Fungai nezverusununguko rwamungapa mwana wenyu ari kuyaruka sezvaanoratidza kuti ava kuziva zvaari kuita.

Muchibudirana pachena, madii kukurukura nemwana wenyu ari kuyaruka nezvezvinhu zvakadai senguva yaanofanira kunge ava pamba?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kufanana nemutyairi anongwarira, nhengo yemhuri inonzwisisa yakagadzirira kuisa zvido zvevamwe pokutanga

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe