Kuonekwa Sousiri Munhu
“Mugore rangu rokutanga kuchikoro chepuraimari muSpain, vamwe vana vomukirasi yangu vaingondipa mazita okunyomba, nokuti ndaiva mupfupi chaizvo kwavari. Rinenge zuva roga roga ndaienda kumba misodzi iri pamatama.”—Jennifer, mwanasikana wevabereki vakatama vachibva kuPhilippines.
“Pandakatamira kune chimwe chikoro, vadzidzi vechichena vepachikoro changu vaindipa mazita okuzvidza. Ndaiziva kuti vaindidenha kuti tirwe. Zvisinei ndakaramba ndichizvidzora, asi mukati ndairwadziwa uye ndainzwa ndisingadiwi.”—Timothy, mukomana wechitema wokuAmerica.
“Pandaiva nemakore manomwe, vanhu vomuNigeria vedzinza reIgbo nereHausa vakarwisana. Kuvengana kwacho kwakandivhiringa, uye ndakatanga kuseka mukomana womukirasi yangu wedzinza reHausa, kunyange zvazvo aimbova shamwari yangu.”—John, wedzinza reIgbo.
“Pataiita basa roumishinari nomumwe wangu, tichiudza vavakidzani vedu shoko romuBhaibheri, vamwe vana, vakusvudzirwa nevafundisi vomunzvimbo imomo, vakatanga kutitevera vachitikandira matombo. Vafundisi vacho vaida kuti tibve muguta racho.”—Olga.
WAKAMBONZWA wazvidzwa here nemhosva yokusarurwa kunobva pakufungirwa zvisizvo? Pamwe izvozvo zvakaitwa nokuda kweruvara rweganda rako, chitendero chako, kuti uri mukadzi kana kuti murume, kana kuti zera rako. Vaya vanogara vachifungirwa zvisizvo vanorarama vachitya kuitirwazve zvakaipa. Pavanopfuura nepane mhomho yevanhu, pavanopinda muchitoro, pavanotamira kune chimwe chikoro, kana kuti pavanoenda kunotandara, vangazvidya mwoyo zvokufa.
Uyewo, vaya vanofungirwa zvisizvo uye vanosarurwa vangatambura kuti vawane basa, kana kuti vangasarapwa uye vangasadzidziswa zvakatsarukana. Vangasaitirwa zvinoitirwa vamwe vose uyewo vanganyimwa kodzero dzavo. Kana kusarura kukaitwa nevane masimba, kungaguma nokubvisa nechisimba dzinza rose marinogara kana kuti kuponda rudzi rwose. Muenzaniso wekare wokuedza kuponda rudzi rwose unowanika mubhuku reBhaibheri raEsteri. Ona zvinoita ruvengo nokufungira zvisizvo mumuenzaniso iwoyo.—Esteri 3:5, 6.
Kufungira vamwe zvakaipa nokusavafarira kungapfuurira kunyange munyika dzine mitemo inorambidza kusarura. Mumwe aichimbova Mukuru Mukuru weKodzero Dzevanhu weUnited Nations anoti: “Pashure pemakore makumi matanhatu Mutemo Unoshanda Kwose Kwose Wekodzero Dzevanhu wadzikwa . . . , mutemo wacho wokuti vanhu vaenzane uye vasasarurwe hausi kumboshanda munyika yose.” Izvozvo zvinokangaidza, nokuti kutama nokudirana kwevapoteri munyika dzakawanda kwakachinja zvikuru kuwanda kwevanhu vanogara munyika idzodzo.
Saka kuva nenyika ine vanhu vasina rusaruro kunongova kurota here? Kana kuti kufungira vamwe zvisizvo norusaruro zvingabviswa here? Nyaya dzinotevera dzichakurukura mibvunzo iyi.