Vabereki Vangabatsira Sei?
RIMWE sangano rezvedzidzo rokuUnited States rinokurudzira vadzidzi vechikoro chesekondari kuti: “Ratidza chido chako chokushanda kusvika paunoperera.” Vamwe vana pavanokurudzirwa kuti vawane zvavanenge vachivavarira, vanoshanda kupfuura panoperera simba ravo. Madeline Levine, ataurwa munyaya yapfuura, akanyora kuti: “Vana vakawanda vanoona vava parumananzombe chaipo pamusana pezvinhu zvakadai semakosi edzidzo echimbichimbi, zvakawanda-wanda zvokuita vabuda mukirasi, kumhanyirira dzidzo yokusekondari kana kuti kukoreji ivo vasati vasvika ikoko, uye kuva nevarayiridzi vanobhadharwa kuti vavabatsire kushandisa simba ravo rose.” Vana vakadaro vanogona kukuvara mumuviri kana kuti mupfungwa.
Kana uchinetseka kuti mwana vako ari kunyanya kuwandirwa nezvokuita kuchikoro enda unotaura nevadzidzisi vacho, vanopa vana mazano, uye vakuru vechikoro. Vaudze zvauri kuona. Une kodzero yacho.
Bhaibheri rinokurudzira vabereki kuti vacherechedze chaizvo makuriro evana vavo. Mosesi akaudza vabereki verudzi rwaIsraeri kuti: ‘Unofanira kuroverera mitemo yaMwari mumwanakomana wako uye utaure nezvayo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.’—Dheuteronomio 6:7.
Kunyatsofarira kudzidza kwemwana wako hakurevi kuti wava kupindira muupenyu hwake. Zvinoratidza kuti uri kumutsigira norudo. Uye izvozvo zvinogona kubatsira chaizvo kuti mwana wako asava parumananzombe zvakanyanya kuchikoro.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Taura nezvokuva parumananzombe kwemwana wako nevadzidzisi vake uye vanomupa mazano