RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 January pp. 21-23
  • Kubudirira Pakunotsvedza Somuramba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubudirira Pakunotsvedza Somuramba
  • Mukai!—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Unganyatsobudirira Sei Muupenyu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mawaniro Aungaita Mufaro Wechokwadi
    Mukai!—2014
  • Zvaungaita Kuti Ubudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Tingawana Kupi Utungamiriri Hwakanaka?
    Mukai!—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 January pp. 21-23

Kubudirira Pakunotsvedza Somuramba

Achangoti pfuurei makore 20, mukadzi wacho akanga ava kuimba zvinoshamisa uye apfuma chaizvo. Vanhu vashoma vanokurumbira kudaro uye vanopfuma vari vaduku saizvozvo. Asi zvinhu zvakabva zvatanga kuipa muupenyu hwake. Aroorwa kaviri zvichiramba, akazopedza nguva ari kunzvimbo inobatsirwa vane dambudziko rokudhakwa nokushandisa madhiragi. Upenyu hwake hwose hwakatanga kuita manyama amire nerongo.

ZVINOSURUVARISA kuti zvakaitika kumukadzi muduku uyu zvinoitika kune vakawanda; nyaya dzinosuruvarisa dzevanhu vakakurumbira dzinogara dzichibuda munhau. Kunyange kune vaya vanoita zvebhizimisi vanongwarira, kakawanda vanhu ivavo vanoita sevanobudirira vane hupenyu hune matambudziko. Richitaura nezvevanhu vanobudirira chaizvo vari muguta reNew York, rimwe pepanhau rakati: “Kurwisa kuva nomubereko wakanyanya kuri kuparadza mabasa, kuchiparadzanisa mhuri uye kuchiita kuti vanotengesa madhiragi vawane basa . . . Kunyange makutukutu emari dzebhonasi achiita kuti vamwe vemabhengi vokuWall Street vafunge kuti havakundiki, vamwe vanopera basa nokungoshanda uye vamwe vanopedzisira vasakara.”

Matambudziko akadaro anovapo nokuti vanhu vanoedza kutsvaka kufara uye kubudirira nenzira dzisina kururama here? Ichokwadi kuti tinoda mari kuti tirarame. Asi kubudirira kwedu muupenyu kunobva pakuunganidza upfumi here? Kutsvakurudza kwakaitwa kunoratidza kuti kwete. Somuenzaniso, kutsvakurudza kwakaitwa kuChina kwakaratidza kuti munguva ichangopfuura vanhu pavakawedzerwa mari yavanotambira ne250 muzana, mufaro wavo wakabva wadzikira.

Saka kubudirira chaiko kunofanira kubva pane chimwe chinhu chinonyanya kukosha kupfuura mabasa, kudhura kweimba, motokari kana kuti wachi. Hakufaniri kuonekwa here nezvakaita munhu wose, kusanganisira tsika dzake uye chinangwa chaanacho muupenyu? Somuenzaniso, munhu angava akachenjera uye angava nesimba, asi tsika dzakadyiwa nembwa, asina rudo uye asina shamwari chaidzo. Mumwe angava akakurumbira uye akapfuma asi ofunga nezvoupenyu hwake obvunza kuti, ‘Ndakararamirei? Chinangwa choupenyu hwangu ndechei?’

Saka, zvine musoro kuti titi vanhu vanobudirira zvechokwadi vanova nechimwe chinhu chinokosha muupenyu hwavo, kusanganisira mitemo yakanaka inovatungamirira. Saka vanova vakagadzikana, vanozviremekedza, uye vanoremekedzwa nevamwe. Vanovawo nechinangwa muupenyu, chinangwa chinokosha kupfuura kungotsvaka zvakavanakira, chinoita kuti vagutsikane. Vamwe vangabvunza kuti ‘Mitemo ipi iyoyo?’ ‘Uye chinangwa chipi ichocho?’ Tingava nemhinduro dzemibvunzo yakadaro pachedu here kana kuti tinofanira kudzitsvaka kumwe? Nyaya dzinotevera dzichakurukura izvozvo.

[Bhokisi uri papeji 23]

KUONA KUBUDIRIRA ZVISINA KURURAMA

Maererano nevatsvakurudzi vezvokurapa, vamhanyi vechiduku vakawanda vari kuvavarira kubudirira mumitambo nokushandisa madhiragi angava achivakuvadza. Education Update yepaIndaneti yakati: “Vadzidzi vokukoreji pavakabvunzwa munguva yapfuura iyi kuti: ‘Kudai waiziva kuti uchahwinha kana kuti uchasarudzwa kuti uve muboka romutambo nokushandisa madhiragi anonzi steroid, asi papera makore mashanu worwara, waizozviita here?,’ vanenge vose vakati hungu. Mubvunzo wacho pawakachinjwa kuti uti ‘kudai waiziva kuti papera makore mashanu uchafa,’ vane 65 muzana vakati hungu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe