Matambudziko ari mudzimba
“Ini zvemba handichadi!” Wakambonzwa here vanhu vachidaro? Kana uine imba, wakambopindwa nepfungwa iyoyo here?
VANHU vakawanda vakatanga imba vambonyatsodanana—kana kuti vakadanana vachibva vatotanga kupengesana—uye vaitarisira kuti vaizofara. Mumwe chipangamazano anoti, “Pavakazouya kwandiri vachitsvaka rubatsiro, vakawanda vakanga vatorasa tariro. Vakanga vaodzwa mwoyo nemumwe wavo, nekuva nemba, nerudo, uye vamwe vavo kunyange neupenyu.” Vakawanda vevanhu ivavo vanenge vava kungogarira muchato uye kuti vawane pekugara.
Dzimwe dzimba dzinoparara nokuti nhamo nekushungurudzika zvinoramba zvichiwedzera. Kushanda mabasa anoda nguva yakareba, kana kuti munhu ashandise pfungwa, kana kuti kushanda nguva dzakasiyana-siyana, kunogona kusiya vakaroorana vaneta zvokuti vanoshaya nguva yekuva pamwe chete, kunyange vangave vachidanana chaizvo. Rudo uye kuremekedzana zvinogonawo kuparadzwa nenhamo yekushaya mari, kunetsa kunoita kurera vana, kutama, kuchinja basa, uye kurwara. Kuchinja kunovapo pamusana pekupindana kwemazuva kungaitawo kuti vakaroorana vashushikane vopedzisira vava kuita mazvake mazvake.
Vanaamai vakawanda vanoita atingatoti mabasa maviri, ravanoita kwavanoshanda nerekumba. Izvi zvingaita kuti vasave nenguva yezvimwe zvinhu kunze kweyebasa ravo neyekuchengeta vana. Kushushikana nekurukutika zvingasiya nguva shoma yekuti vakaroorana vapedze vari pamwe chete. Saka vakawanda vanonzwa sekuti havana zvavangaita neupenyu hwavo uye izvi zvinoita kuti vashushikane uye vasurukirwe. Nei dzimba dzakawanda kudaro dziri panguva yakaoma? Ungaitei kuti imba yako inakidze uye ibudirire?