RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 January p. 14
  • Tovimba Here Kana Kuti Torega?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tovimba Here Kana Kuti Torega?
  • Mukai!—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvimbana Kunokosha Kuti Pave Noupenyu Hunofadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Unogona Kuvimba Nehama Dzako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kuvimba Kana Kuti Kusavimba
    Mukai!—1996
  • Kokorodzano Yakawedzera Chivimbo Chedu Muna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 January p. 14

Tovimba Here Kana Kuti Torega?

“Usavimbe nemapuranga akaora,” akanyora kudaro William Shakespeare munyori wemitambo wokuEngland. Chokwadi, usati wadanha mapuranga ebhiriji, ungada kutanga waona kuti haana kuora.

MASHOKO aShakespeare anopindirana neaMambo akachenjera Soromoni womuIsraeri yekare, uyo akanyora makore 3 000 adarika kuti: “Benzi rinongotenda zvose; asi vanhu vakachenjera vanotarisa pavanotsika.” (Zvirevo 14:15, Today’s English Version) Chokwadi, benzi chete ndiro rinongochenga zvose pane zvarinoudzwa, richisarudza nokuita zvinhu maererano nemazano kana kuti dzidziso dzisina padzakavakirwa. Kungofanana nokudanha pamapuranga akaora, kuvimba nezvinhu zvenhema kuzvisikira moto muziso. Ungabvunza kuti, ‘Pane kwatingawana utungamiriri hwechokwadi hwatingavimba nahwo here?’

Mamiriyoni evanhu pasi rose anovimba nebhuku rekare kare rinonzi Bhaibheri Dzvene. Vanovimba naro kuti rivaratidze pokutsika. Zvavanosarudza zvinoenderana nezvarinotaura uye vanoita zvinhu maererano nezvarinodzidzisa. Tingati vanhu ava vari kudanha pamapuranga akaora here? Mhinduro yomubvunzo iwoyo inobva pamhinduro yomumwe mubvunzo unoti, Pane zvikonzero zvine musoro here zvokuvimba neBhaibheri? Mukai! ino yakanyorerwa kuti iongorore zvikonzero izvozvo.

Chinangwa cheMukai! ino hachisi chokukumanikidza kubvuma dzidziso kana kuti maonero eimwe chechi. Asi ndechokungokupa uchapupu hwakasimba hwakaita kuti vanhu vakawanda vavimbe neBhaibheri. Wapedza kuverenga nyaya dzinotevera, unogona kusarudza kuti unoda here kuvimba neBhaibheri.

Nyaya iyi haisi yokutamba nayo. Zvechokwadi, kana muBhaibheri muine utungamiriri hwakavimbika hwoMusiki wedu, zvingakubatsira iwe nehama dzako kuti mufungisise zvarinotaura.

Zvisinei, ngatitangei nokutaura chokwadi chinoshamisa chiri muBhaibheri. Hapana angaramba kuti ibhuku rakasiyana nemamwe ose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe