RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 October p. 32
  • Kunyaradza Vaya Vari Kuchema

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunyaradza Vaya Vari Kuchema
  • Mukai!—2005
Mukai!—2005
g05 October p. 32

Kunyaradza Vaya Vari Kuchema

◼ Bhurocha remapeji 32 rine mifananidzo yakanaka rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa rinogona kunyaradza vaya vari kuchema. Rinogona kubatsira vaya vari kuchema kuti vanzwisise uye vararame nemanzwiro nepfungwa zvinovapo pashure pokunge vafirwa nomunhu wavanoda. Uye chimwe chikamu chiri mubhurocha racho chinokurukura kuti vamwe vangabatsira sei vaya vari kuchema.

Bhurocha racho rinopindura mibvunzo yakadai seinoti: Ndinogona sei kugara nenhamo yangu? Itariro ipi iripo nokuda kwevakafa? Rinoratidza matsananguriro anoita Bhaibheri kuti vakafa vari mumamiriro ezvinhu akaita sei. Uye chinotonyanya kukosha ndechokuti rinotaura chipikirwa chaMwari, chokuti achishandisa Jesu Kristu, achamutsa vakafa kuti vararame panyika yakachena inenge iri paradhiso.

Zvichida iwe kana kuti mumwe munhu waunoziva anganyaradzwa nokuverenga bhurocha iri. Inzwa wakasununguka kukumbira rakowo.

Kana uchida bhurocha iri, ingozadza kopani rino woritumira kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

□ Pasina zvandinovimbisa, ndinokumbirawo bhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa.

□ Ndapota ndionei nezvokudzidza Bhaibheri pachena ndiri pamusha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe