RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g04 1/8 p. 32
  • Kubudirira Pakati Pematambudziko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubudirira Pakati Pematambudziko
  • Mukai!—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Matambudziko Ako Ndeekurangwa naMwari Here?
    Mukai!—2009
  • Mazano Achatibatsira Patinenge Tiri Mumatambudziko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Matambudziko Oupenyu Kurangwa naMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Chinoita Kuti Ndifarire Basa Rokuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—2004
g04 1/8 p. 32

Kubudirira Pakati Pematambudziko

Sezvakafanotaurwa muBhaibheri, tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Matambudziko emhuri, zvinetso zvoutano, uye nhamo yemari zvingori zvimwe zvezvipingamupinyi zvingakutambudza. Dzimwe nguva ungafunga kuti haugoni kutsungirira. Asi unogona kubudirira mukati mematambudziko. Chimbofunga nezvomuenzaniso unotevera.

Ruva rinonzi Teide violet rinokura panzvimbo yakakwirira nemamita 3 700 kubva pagungwa pachitsuwa cheTenerife kubva pamhenderekedzo yeNorth Africa. Makomo anoputika eTenerife, pakabva zita reruva racho, ndiwo azere muchitsuwa chacho chinoti pisei zvishoma. Mikwidza yawo inoita seisina zvinomera. Asi mumatsutso, sinou yomuchando inenge yanyunguduka inopa mvura yakakwana kuti maruva aya akasimba eviolet araramezve uye ashongedze noruvara rwepepuru mikwidza yemakomo acho anoputika kuita sekorona. Chokwadi, ruva iri ringaita serisina simba uye risingatani kufa, asi rinogona kurarama uye kuramba ririmo munzvimbo iyi yegwenga, yakaoma.

Kungofanana neTeide violet, iwewo unogona kutsungirira pakati chaipo pemamiriro ezvinhu akaoma. Bhaibheri rakabatsira Zvapupu zvaJehovha zvakawanda kuita saizvozvo kunyange munguva dzakaomesesa. Somuenzaniso, vaya vaiva vakasungwa mumisasa yevasungwa muNazi Germany vakakwanisa kubudirira. “Vaibatwa zvakaipa kudarika chero boka ripi zvaro,” anodaro munyori wenhau wokuSweden Bjöm Hallström, “asi vakakwanisa kurarama zviri nani kudarika vamwe vose nokudavira kwavo muna Mwari.”

Chero mumamiriro api ezvinhu aungakaruka wapinda, Bhaibheri rinogona kukubatsira kubudirira pakati pematambudziko. Taura neZvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara, kana kuti zvinyorere kukero iri papeji 5 yemagazini ino kuti uwane chidzidzo cheBhaibheri chepamusha pachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe