RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 11/8 p. 32
  • ‘Magazini Inofanira Kuzeyewa’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Magazini Inofanira Kuzeyewa’
  • Mukai!—2003
Mukai!—2003
g03 11/8 p. 32

‘Magazini Inofanira Kuzeyewa’

DAVID ari kudzidzira zvemitemo paObafemi Awolowo University muNigeria. Nguva ichangopfuura iyi, akanyorera bazi reZvapupu zvaJehovha romunyika iyoyi kuti: “Ndinogaroendesa Mukai! kune mumwe purofesa wemitemo ane mukurumbira ane makore 70. Mamwe mangwanani, pashure pokunge agamuchira magazini azvino, akaudza mushanyi aiva muhofisi yake kuti: ‘Mamwe mabhuku anofanira kuravidzwa, mamwe kumedzwa, uye mashomanana anofanira kutsengwa ozeyewa. Mukai! imagazini inofanira kutsengwa yozeyewa.’”

Pane imwe nguva, abuda muhofisi yapurofesa wacho, David akati akazomunzwa achirumbidza Mukai! kune mumwe mushanyi. “Akarumbidza kutsvakurudza kwakadzama kunoitwa pakunyorwa kweMukai! uye marondedzerere epakati nepakati ainoita nyaya asi noushingi. Ndakamunzwa achiti: ‘Ndinonyatsoverenga magazini acho. Mwari anofanira kunge ari iye anopa vanyori vayo uchenjeri hwokunyora nyaya dzakaisvonaka kudaro.’”

Mukai! inodzidzisa uye inotaura nezvenyaya dzakawanda. Chinonyanya kukosha ndechokuti inovaka chivimbo muchipikirwa choMusiki chiri muBhaibheri chenyika itsva ine rugare iyo ichatsiva nyika iripo iye zvino. Bhurocha rine mapeji 32 rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? rinoratidza chinangwa chaMwari ichocho, richipa mashoko anobva muBhaibheri kuratidza zvatinofanira kuita kuti tiwane nyasha dzake. Ungakumbira kopi yebhurocha iri nokuzadza kopani riri pano woritumira kukero dzakaratidzwa pakopani racho kana kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

□ Ndinoda kugamuchira kopi yebhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?

□ Ndapota ndionei maererano nechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe