Utachiona Husingaurayiwi Nemishonga—Kutyisidzira Kwacho Kwakakura Zvakadini?
Utachiona husingaurayiwi nemishonga inorwisa mabhakitiriya uye nemimwewo mishonga hwava kutyisidzira nyika yose. Izvi zvakaitika sei? Ungaitei kuti uzvidzivirire iwe nemhuri yako?
MUNA October 1997, Hollie Mullin, mucheche aiva nevhiki nhatu, akarwadziwa nenzeve. Payakatadza kupora pashure pemazuva mashomanana, chiremba wake akamunyorera mushonga wemazuva ano unorwisa mabhakitiriya. Aifanira kungopora nyore nyore, asi hazvina kudaro. Yakaramba ichirwadza uye yairamba ichingodaro paingopera mushonga unorwisa mabhakitiriya poga poga.
Mugore rake rokutanga, Hollie akashandisa mishonga 17 inorwisa mabhakitiriya. Zvadaro, ava nemwedzi 21, nzeve yacho yakamurwadza zvakanyanyisa. Pashure pemazuva 14 okubayiwa majekiseni omushonga unorwisa mabhakitiriya une simba zvikuru, yakazopora.
Zviitiko zvakadai zvava kuwedzera uye kwete kuvacheche chete nevakwegura. Vanhu vemazera ose vari kurwara uye kutofa nezvirwere zvaimborapwa nyore nyore nemishonga inorwisa mabhakitiriya. Chokwadi, utachiona husingaurayiwi nemishonga inorwisa mabhakitiriya hwave huchikonzera zvinetso zvakakomba mune zvimwe zvipatara kubvira kuma1950. Zvadaro kuma1960 nokuma1970, utachiona husingaurayiwi nemishonga inorwisa mabhakitiriya hwakapararira munzanga.
Nokufamba kwenguva, vatsvakurudzi vezvokurapa vakatanga kutaura kuti kunyanya kushandisa mishonga inorwisa mabhakitiriya kuvanhu nemhuka ndiyo honzeri huru yokuwedzera kwoutachiona husingaurayiwi nemishonga. Muna 1978 mumwe wevashandi ivava vokurapa akarondedzera kushandisa zvisina mwero mishonga inorwisa mabhakitiriya so“kusingachadzoreki zvachose.” Saka pakasvika ma1990, misoro yemapepanhau yakafanana neinotevera yaioneka munyika yose: “Utachiona Husingaurayiwi Nemishonga Hwasvika,” “Utachiona Husingaurayiwi Nemishonga Hwava Pano Zvachose,” “Mishonga Ine Ngozi—Kushandiswa Kwokudarika Mwero Mishonga Inorwisa Mabhakitiriya Kuri Kuwedzera Utachiona.”
Kwaiva kuwedzeredza here? Kwete maererano nemasangano anoremekedzwa ezvokurapa. Mumushumo wa2000 wezvirwere zvinotapukira, mukuru mukuru weWorld Health Organization (WHO) akati: “Pakutanga kwemireniyumu itsva, vanhu vatarisana nerimwe dambudziko. Zvirwere zvaimborapika . . . iye zvino zvava noutachiona husingaurayiwi nemishonga.”
Dambudziko racho rakakomba zvakadini? “Kuwedzera kunovhiringidza pfungwa [kwoutachiona husingaurayiwi nemishonga] kuri kuvhara mikana yokurapa zvirwere zvinotapukira,” yakadaro WHO. Zviremera zvinoverengeka nhasi zvinototaura nezvokudzoka kwevanhu “kunguva apo mishonga inorwisa mabhakitiriya yakanga isati yavapo.”
Chokwadi, tupukanana tusingaurayiwi nemishonga twave tuchikwanisa sei kudzora nyika yose, tuchikunda kufambira mberi kwezvinhu zvemberi zvesayenzi? Pane chinhu chipi nechipi chinogona kuitwa nomunhu kuzvidzivirira kana kudzivirira vamwe here? Uye zvigadzirisoi zviri mberi zvokurwisa utachiona husingaurayiwi nemishonga inorwisa mabhakitiriya? Nyaya dzinotevera dzinopa dzimwe mhinduro.