Musangano Unokosha Kupfuura Yose Pagore
Fungidzira kuti une chirwere chinogona kukuuraya. Kuvhiyiwa kunogona kuita kuti upore, asi mari yokuvhiyiwa kwacho yakawandisa zvokuti haumboikwanisi. Zvino ngatiti mumwe mubatsiri anobva ati anokubhadharira mari yokuvhiyiwa kwacho. Haungaongi here chipo chake chinoponesa upenyu?
Bhaibheri rinodzidzisa kuti vanhu vokutanga, Adhamu naEvha, vakapfuudza kuvana vavo vose chivi norufu. Saka tingati mumwe nomumwe wedu akazvarwa aine chirwere chinouraya—uye hapana mumwe wedu anogona kubhadhara kurapwa kwacho. (Pisarema 49:7-9) Asi, Jehovha Mwari akapa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, sorudzikinuro rwokubhadhara mubhadharo wezvivi zvedu. Pamusana pechipo ichi chinoponesa upenyu, tine mukana wokurarama nokusingaperi muParadhiso.—VaRoma 6:23.
Musi weChitatu, April 16, pashure pokunyura kwezuva, Zvapupu zvaJehovha zvichayeuka rufu rwaJesu. Gore rapera vanopfuura mamiriyoni 15 vaivapo—vazhinji vacho vakanga vasiri Zvapupu zvaJehovha. Unokokwa kupinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu chegore rino. Chokwadi ndiwo musangano unokosha kupfuura yose pagore. Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yako nezvenguva chaiyo nenzvimbo yacho.