Nharo Dzakabuda Muterevhizheni Maererano neZvapupu zvaJehovha
Muna 2000 na2001, Zvapupu zvaJehovha zvakatsoropodzwa chaizvo munyika yeGeorgia, yaimbotongwa neSoviet Union. Nhepfenyuro yeterevhizheni yakakurumbira muGeorgia yakabudisa nharo dzakaitwa pakati pomumwe wezvematongerwe enyika, uyo aiti Zvapupu zvinofanira kurambidzwa kuita basa razvo, napurofesa, avo vakanga vanzi nedare vaongorore mabhuku anobudiswa neZvapupu.
Vachipindura mashoko akawanda okutsoropodza zvinodavirwa neZvapupu, purofesa vakatsutsumwa vachiti zvaitaurwa newezvematongerwe enyika zvakanga “zvisina pazvakavakirwa.” Ipapo vakabva vati: “Izvi ndizvo zvinodavirwa neZvapupu zvaJehovha,” akadaro akasimudza bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi kuti vanhu vaiona paterevhizheni vaone.
Purofesa wacho akabva averenga ndima yokutanga mubhuku racho, iyo inopedzisa nemashoko okuti: “Nokuda kwavakawanda, zvisinei, upenyu hunoratidzika kuva hunopa chinetso chimwe chakakomba pashure pechimwe. Kana ikoko kwave kuri chinoitika chako, shinga.”
Bhuku iri rinotaura nezvemhinduro dziri muBhaibheri kumibvunzo iyo vanhu vakawanda vanayo. Somuenzaniso, mimwe misoro iri mariri ndeiyi: “Mwari Wechokwadi Ndiani?,” “Nei Tichikwegura Ndokufa?,” uye “Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?”
Ungada kugamuchira bhuku iri rine mapeji 192 kuti uzvionere woga here? Unogona kukumbira bhuku iri kana ukanyora kopani riri pasi apa woritumira kukero iripo kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Nditumirei bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.
□ Ndioneiwo nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.