Vachiri Kuyaruka Vane Hope—Tinofanira Kunetseka Nazvo Here?
NOMUNYORI WEMUKAI! MUCANADA
KUSARARA zvakakwana kunoderedza kushanda kwepfungwa uye kunokonzera kutadza kuyeuka, uye vachiri kuyaruka vari kuenda kuchikoro ndivo vari pangozi huru, rinodaro pepanhau rokuCanada rinonzi Globe and Mail. “Kutadza kurara zvakakwana kwevana uye vachiri kuyaruka kunoonekawo nemisikanzwa, kushatirwa uye kusagadzikana.” Masayendisiti akadzidza zvinoitwa nevadzidzi vokusekondari vanosvika 2 200 akawana kuti 47 kubva muzana vakanga vasiri kurara kwemaawa masere anokurudzirwa manheru oga oga.
Kunyange zvazvo mararamiro avo achitadzisa vachiri kuyaruka kurara sezvavanoda, “vamwe vavo vangava nezvirwere zvisina kuonekwa nachiremba,” rinodaro Globe. “Kuva nehope kunokanganisa 4 kubva muzana yevana, vane makore ari pakati pe4 ne18.” Apo munhu anenge akarara, nzira inofamba nemhepo seri kwegurokuro inovharika zvishoma kana kuti zvachose, ichiita kuti okisijeni isafamba zvakanaka. Nokudaro, uropi hahuwani zororo rakakwana, uye vana vanomuka vakaneta.
Zviratidzo zvokuti zvinhu hazvichina kumira zvakanaka zvinosanganisira kuita ngonono kana kufemuruka munhu akarara, kutemwa nomusoro kakawanda mumangwanani, uye kutadza kuyeuka nokutadza kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete, uyewo kurara pose pose muswere wezuva. Vabereki vanokurudzirwa kuteerera nguva nenguva kana vana vavo vakabatwa nehope. Dr. Robert Brouillette, nyanzvi panyaya dzehope paMontreal Children’s Hospital, anoti mwana anenge ari kurwara anokwanisa kurega kufema paanenge akarara, kunyange zvazvo chipfuva chichitenheka. “Kurega kufema uku kunopera apo mwana anopatika kana kuti anomuka zvishoma ofema asati arara zvekare.” Izvi zvinoitika kanosvika mazana akawanda usiku humwe nohumwe uye zvinoita kuti mwana anzwe kurukutika paanomuka.
The American Sleep Disorders Association inokurudzira kuti munhu arare mumba mune rima gobvu pasina chinomuvhiringidza, chakadai seterevhizheni kana kombiyuta. Kuva nenguva yakatarwa yokuenda kunorara uye yokumuka kuchabatsirawo vana uye vachiri kuyaruka kuzorora zvakanaka usiku. Vamwe vasinganyatsogona kufema kana vakarara vanoshandisa mumwe muchina unopinza mhepo nomumhino uye nomukanwa kuti varambe vachikwanisa kufema. Mumwe chiremba wevacheche akati: “Kurara kwakakosha kudarika zvatinodya. Kwakakosha kudarika kurovedza muviri. Kurara kunodzora masero edu, manzwiro edu uye kudzivirira zvirwere kunoitwa nomuviri wedu.”