RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 3/8 p. 32
  • Akawana Mubayiro Wokutanga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akawana Mubayiro Wokutanga
  • Mukai!—2002
Mukai!—2002
g02 3/8 p. 32

Akawana Mubayiro Wokutanga

Mumwe wechiduku akanyorera hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muLusaka, Zambia, kuti aonge nokuda kweMukai! Akatsanangura kuti nokuda kwemagazini iyi, akapiwa mubayiro wokutanga mumakundano okunyora kwevana vechikoro chesekondari. Vana vacho vakapiwa musoro wokuti “Makwikwi Okutumira Zvitundumusere—Chinhu Chikuru Chomunyika Chinotambisa Mari” uye vakaudzwa kuti vatsvakurudze mashoko panhau yacho. Wechiduku wacho akatsanangura kuti:

“Pasina nguva huru ndakawana magazini yeMukai! yechiRungu yaSeptember 8, 1992. Magazini yacho yakanga ine zvandaitsvaka. Ndakashandisawo mamwe mashoko kubva mune mamwe magazini eMukai!” Mubayiro wokutanga wakagamuchirwa nowechiduku uyu waisanganisira cheki yeUS$75 [Z$4 125]. Akataura achionga kuti: “Kune vanhu vakawanda, Mukai! yazova magazini inoita kuti vanhu vawane mubayiro.”

Vanhu pasi pose pavanofunga nezvokutumirwa kwezvitundumusere—kusanganisira zvirongwa zvehurumende zvokudzivirira nzvimbo dzadzo kuti dzisarwiswa—vakawanda vanonetseka kuti kuchazombova nenyika isina hondo here? Mubvunzo iwoyu chaiwo ndiwo musoro webhurocha rine mapeji 32 rinopa uchapupu hunogutsa hwokuti nyika yakadaro ichavapo. Asi ichavapo sei? uye rini?

Tinokukumbira kuti uverenge Will There Ever Be a World Without War? [Kuchazombova Nenyika Isina Hondo Here?] Unogona kukumbira bhurocha iri nokuzadza uye kutumira kopani iri papeji ino kukero yakaratidzwa pakopani kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

□ Ndapota nditumirei bhurocha rinonzi Will There Ever Be a World Without War?

□ Ndioneiwo nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe