Dhiyabhorosi—Munhu Akaipa Aripo Here?
MUZVITENDERO zvakawanda, Dhiyabhorosi akasvika pakuonekwa sechinhu chokungofungidzira kuti chiripo—chakatangwa nevanhu. Saka Dionigi Tettamanzi, bhishopi mukuru weGenoa—mumwe wevafundisi vakuru veItaly—akakonzera nyonga-nyonga netsamba yake yaiva nemapeji makumi mana yaienda kuvafundisi yaitaura nezvokurwisa Dhiyabhorosi. Yakanga ine “mirayiro gumi.”
Wokutanga: “Usakanganwa kuti dhiyabhorosi aripo,” nokuti “nhema dzake dzokutanga” ndedzokuita kuti “tifunge kuti haapo.”
Wechipiri: “Usakanganwa kuti dhiyabhorosi muedzi. . . . Usafunga kuti haanei newe kana kuti haagoni kukukuvadza.”
Wechitatu: “Usakanganwa kuti dhiyabhorosi akangwara kwazvo uye kuti akachenjera. Anoramba achinyengera nokuita kuti zvimwe zvinhu zviite sezvinonakidza, sezvaakaita kune munhu wokutanga.”
Wechina: “Iva akangwarira: mukuona uye mumwoyo. Iva akasimba: mukutsunga nokunaka.”
Wechishanu: “Tenda zvakasimba mukukunda kwaKristu muedzi” nokuti izvi “zvichaita kuti uchengeteke uye utsige pane kutambudzwa kwechisimba kupi nokupi kwaungaitwa.”
Wechitanhatu: “Yeuka kuti Kristu anogoverana newe mukukunda kwake.”
Wechinomwe: “Ramba uchiteerera Shoko raMwari.”
Wechisere: “Zvininipise uye bvuma kuzvidzwa.”
Wechipfumbamwe: “Nyengetera nguva dzose, usinganeti,” kuitira kukurira muedzo.
Wechigumi: “Ida Ishe Mwari wako uye iye bedzi ndiye waunofanira kunamata.”
Tsamba yomufundisi uyu yakaitei pavanhu? Mazano ayo haana kugamuchirwa zvakanaka neMilan’s Center of Theological Studies (Muzinda Wezvidzidzo Zvechitendero womuMilan.) Muzinda wacho wakaita nharo dzokuti “kunyora zvakadaro kwakafanana nezvaiitwa muMiddle Ages.” Maererano nomutauriri wacho, “kupomera dhiyabhorosi kunobatsira vanhu kuti vasave nomutoro pamhosva dzavo.”
Kunyange zvazvo Bhaibheri risingabvisi vanhu pamhosva dzezvavanenge vaita, rinotaura zvakajeka kuti Satani Dhiyabhorosi ndi“mwari wegadziriro ino yezvinhu,” akaedza Jesu. Rinoratidzawo simba raSatani nechinangwa chake ‘chokupofumadza pfungwa dzevasingatendi.’—2 VaKorinde 4:4; Mateu 4:1-11.
Zvechokwadi, sokunyora kwakaita muapostora Petro, Satani akaita “seshumba inodzvova, iri kutsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Petro 5:8) Ndokusaka zvisingashamisi kuti muapostora Johani akayeuchidza vatendi kuti: “Nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Tingaita nokuchenjera tikateerera nyevero dzomuMagwaro idzi.