RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 10/8 pp. 3-4
  • Munhu Ari Kuparadza Zvokudya Zvake Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu Ari Kuparadza Zvokudya Zvake Here?
  • Mukai!—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvipenyu Zvakaoma Kunzwisisa
    Mukai!—2001
  • Marudzi Ari Mungozi Yokutsakatika—Ukuru Hwechinetso Chacho
    Mukai!—1996
  • Mhuka Dzomusango Dzapasi Dziri Kutsakatika
    Mukai!—1997
  • Chii Chichaitika Mune Remangwana?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 10/8 pp. 3-4

Munhu Ari Kuparadza Zvokudya Zvake Here?

“Chinetso chedu chaicho nhasi [hachisi] chezvikwereti nokuperevedza kana kuti makwikwi omunyika yose asi kuda kuwana nzira yokurarama upenyu hune chinangwa, kugutsa upenyu pasina kuparadza nharaunda inogara zvinhu zvipenyu, inotsigira upenyu hwose. Vanhu vanga vasati vambonangana nengozi yakadaro: kuparara kwezvinhu zvacho chaizvo zvinoita kuti tirambe tiri vapenyu.”—Nyanzvi yezvinhu zvipenyu David Suzuki.

APURO chinhu chinogona kusangokosheswa nyore nyore. Kana uchigara kunomera maapuro akawanda, ungafunga kuti anowanika nyore nyore, uye kutopfuura ipapo, unogona kungonhonga raunoda pane marudzi akasiyana-siyana. Asi unoziva here kuti pangava nemarudzi mashoma okusarudza nhasi pane akanga aripo makore 100 akapfuura?

Pakati pegore ra1804 nera1905, pakanga pane marudzi emaapuro airimwa muUnited States anokwana 7 098. Nhasi 6 121 eiwayo—86 kubva muzana—akatsakatika. Ndozvakaitawo mapeya. Anenge 88 kubva muzana emarudzi 2 683 aimborimwa pari zvino akatsakatika. Uye kana iri miriwo, manhamba acho anototyisa kutaura. Kusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu ndicho chimwe chinhu chiri kunyangarika—kwete chete kuwanda kwemarudzi ezvinhu zvipenyu asiwo kuwanda kwemhando dzinowanikwa mumarudzi iwayo. Mhando zhinji dzemiriwo dzairimwa muUnited States dzakaderedzwa nezvikamu 97 kubva muzana mumakore asingadariki 80! Asi kusiyana-siyana kunokosha here?

Masayendisiti akawanda anoti kunokosha. Kunyange zvazvo basa rokusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu munharaunda yazvo richiri kukurukurwa nezvaro, nyanzvi dzezvakatikomberedza dzakati kuti dzinoti kunokosha kuti pasi pano pave noupenyu. Dzinoti kunongokosha zvakafanana kuzvirimwa zvatinorimira kudya sezvakwakaita kune zvinomera zvoga mumasango, mumatondo, uye mumafuro omunyika. Kusiyana-siyana kwezvinhu zvorudzi rumwe kunokoshawo. Somuenzaniso, kuwanda kwemarudzi omupunga kunowedzera mukana wokuti mamwe marudzi azogona kukurira zvimwe zvirwere zvakajairika. Nokudaro, imwe rondedzero yakabudiswa neWorldwatch Institute yakataura munguva pfupi ichangopfuura kuti chimwe chinhu zvikurukuru chinogona kuratidza vanhu kuti kuderedza kusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu munharaunda yazvo pasi pano kunogona kuva kwakaipa zvikuru sei—kukanganiswa kwepanobva zvokudya zvedu.

Kutsakatika kwezvinomera kunogona kukanganisa zvirimwa munzira dzinenge mbiri: yokutanga, nokupedza zvinomera musango zvose zvakafanana nembeu dzinorimwa, zvinova ndizvo zvingapa zvokuzoshandisa pakuuchika dzimwe mbeu munguva yemberi, uye yechipiri, nokuderedza nhamba yemhando mumarudzi ezvinhu zvinorimwa. Somuenzaniso, mukutanga kwezana remakore rechi20, zvichida marudzi anopfuura 100 000 omupunga akatangira muAsia airimwa imomo, anotangira pa30 000 achirimwa muIndia yoga. Pari zvino 75 kubva muzana younorimwa muIndia inongova nemarudzi gumi bedzi. Mhando dzomupunga dzomuSri Lanka dzinokwana 2 000 dzakatsiviwa dzose nemhando 5. KuMexico, kunova ndiko kwakatangira kurimwa zviyo, kunongorimwa zvikamu 20 kubva muzana zvemarudzi akasiyana-siyana aiwanikwa ikoko kuma1930.

Asi hazvisi zvokudya bedzi zviri mungozi yokutsakatika. Zvinenge zvikamu 25 kubva muzana zvemishonga inogadzirwa nevezvokutengesa inotorwa muzvinomera, uye zvinomera zvakawanda zvine mishonga inorapa zviri kuramba zvichiwanikwa. Asi, zvinomera zvacho zviri kuramba zvichitsakatika. Saka ndizvo chaizvo here kuti tiri kurumwa nechokuchera?

Maererano neWorld Conservation Union, pamarudzi 18 000 ezvinomera nemhuka akaongororwa, anopfuura 11 000 acho akanangana nokutsakatika. Munyika dzakaita seIndonesia, Malaysia, neLatin America, kune mitunhu yemasango akagoborwa kuti adyarwe miti yorudzi rumwe, vanotsvakurudza ruzivo vanongoita zvokufungidzira chete pakuti angava marudzi mangani ave kutoda kutsakatika, kana kuti akatotsakatika. Kunyange zvakadaro, vamwe vanoti kutsakatika kuri kupfuurira “nokukurumidza zvakaipisisa,” inoshuma kudaro magazini inonzi The UNESCO Courier.

Ichokwadi kuti pasi richiri kupa zvokudya zvakawandisa. Asi vanhu vari kuwanda panyika vachadyei kana zvinhu zvipenyu zvakasiyana-siyana zvikapera? Nyika dzakawanda dzakaita maererano nenyaya iyoyo nokutanga matura embeu senzira yokuchengetedza zvinomera zvinokosha kuti zvisatsakatika. Mamwe mapindu ezvinomera zvakasiyana-siyana akatanga basa rokuchengetedza marudzi ezvinhu. Sayenzi yakaunza chishandiswa chitsva chine simba chegenetic engineering. Asi chaizvoizvo matura embeu nesayenzi zvingapedza chinetso chacho here? Nyaya inotevera ichaongorora mubvunzo uyu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe