RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 9/8 p. 32
  • Chinetso Chokutarisira Vana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinetso Chokutarisira Vana
  • Mukai!—2001
Mukai!—2001
g01 9/8 p. 32

Chinetso Chokutarisira Vana

Britain inyika yokuMadokero yakabudirira. Asi, zvinofungidzirwa kuti gore roga roga vana vemo vanodarika 100 000—vakapetwa kaviri kupfuura zvaimbofungidzirwa kare—vanotiza pamba. Somugumisiro, mumwe chete muvanomwe anoitirwa chisimba kana kuti kubatwa chibharo.

“Vana pavanonzwa kuti vasiyiwa uye varambwa, kutiza kungaratidzika sokuti ndiko kuzvipedza,” anodaro Ian Sparks, mukuru mukuru weChildren’s Society, achiwedzera kuti: “Nyaya iyi inobata vana vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana—vana vanobva mumisha yakasimukira yomumaguta vane mikana yokutiza yakangofanana neyevaya vanobva mumisha yakaderera yomumaguta.”

Kutarisira vana nokuvarovedza mutoro unorema. Rubatsiro runowanikwa kupi? Bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri rakagadzirirwa kubatsira panyaya iyi. Zvitsauko zvaro 16 zvinosanganisira zvinoti: “Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche,” “Betserai Wechiduku Wenyu Kubudirira,” uye “Dzivirirai Mhuri Yenyu Papesvedzero Dzinoparadza.” Zvitsauko 16 zvose zviri mubhuku racho zvine mazano anoshanda uye, zvinotokosha zvikuru, rinoshandisa uchenjeri huri muBhaibheri hwakakura kupfuura hwedu.

Unogona kukumbira bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri nokuzadza kopani riri pasi apa uye kuritumira kukero yakaratidzwa pakopani kana pakero yakakodzera pane dzakarongwa papeji 5 yemagazini ino.

□ Nditumirei bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri.

□ Ndioneiwo maererano nechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe