Zvirwere Zvinotapukira—Zvinoparadza Kwazvo asi Zvinodziviririka
KUDENGENYEKA kwenyika nemafashamo anoparadza kwazvo zvinowanzotaurwa mumisoro mikuru yenhau nepo kupararira kwezvirwere zvakawanda zvinotapukira kuri kuitika chinyararire hakuwanzotaurwi. Kunyange zvakadaro, “gore rapera nhamba yevakafa nezvirwere zvinotapukira (zvakadai seAIDS, marariya, zvirwere zvokufema, uye manyoka) inopfuura neka160 nhamba yevakaurayiwa nenjodzi dzinongoitika dzoga,” unodaro mushumo weRed Cross/Red Crescent waJune 2000. “Uye mamiriro acho ezvinhu ari kuramba achiipa.”
Pane zvinhu zviviri zvinonzi ndizvo zvinonyanya kukonzera kuvapo kwenhamba iyi inovhundutsa. Chimwe chacho kupararira kuri kupfuurira kweAIDS, inouraya vanhu 300 paawa yoga yoga. AIDS “haisisiri chirwerewo zvacho asi yatova njodzi,” anodaro Peter Walker, mukuru mukuru weInternational Federation of Red Cross and Red Crescent Societies anotarisira zvenjodzi. “Chirwere chapararira zvakadai chinoparadza vashandi uye upfumi.” Chimwe chinokonzera ndiko kuderera kwezvirongwa zvoutano, zvichikonzera kuvapozve kunoshamisa kwezvirwere zvekare zvakadai sorurindi, njovhera, uye marariya. Somuenzaniso, imwe nyika yokuAsia iri kushuma kuti vanhu 40 000 vanobatwa nechirwere chorurindi gore roga roga. Mune imwe nyika iri kuMabvazuva kweEurope, kutapukira kwenjovhera kunonzi kwawedzera neka40 mumakore gumi adarika.
Zvisinei, kunyange zvazvo zvirwere zvinotapukira zvava njodzi, zviri pakati penjodzi dzinogona kudzivirirwa kwazvo. Kutaura zvazviri, mushumo wacho unotaura kuti pamamiriyoni 13 evakafa nezvirwere zvinotapukira muna 1999 vazhinji vacho “vangadai vasina kufa kudai munhu mumwe nomumwe akapiwa mari yokurapwa inokwana US$5 (Z$280).” Kudai hurumende dzenyika dzaida kushandisa mari inokwana $280 kurapisa munhu mumwe nomumwe—mari inokwana mabhiriyoni 30 okuUnited States (Z$1 680 000 000 000)—fungidzira kuti inzufu dzakawanda sei dzaizodziviswa!
Kunyange zvazvo mari iyi yakati wandei, ishoma kana ikaenzaniswa nemari inoshandiswa nenyika mune zvimwe zvinhu. Somuenzaniso, rimwe gore richangopfuura, mari yakashandiswa munyika yose mune zvechiuto yakasvika avhareji yemabhiriyoni US$864 (Z$48 384 000 000 000)—yaizova US$144 (Z$8 064) pamunhu. Chimbofunga kuti imari yakawanda sei inoshandiswa mukugadzirira hondo ingadai ichishandiswa kudzivisa kupararira kwezvirwere! Zvichida kugumisa kupararira kwezvirwere zvinotapukira hakugoni kuitwa nesimba revanhu—kwete kuti hapana mari yakakwana, asi nokuda kwezvikonzero zvakatokura. Chokwadi, hurumende dzevanhu hadzigoni kutora matanho akarurama.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]
X ray: New Jersey Medical School—National Tuberculosis Center
Mufananidzo womurume ari kukosora: WHO/Thierry Falise