Rinoyamura Panofa Mudiwa
Makore mashoma apfuura Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa bhurocha raitaura nezvokubata nenhamo yokufirwa nomudiwa. Munguva ichangopfuura, tsamba yakagamuchirwa kubva kumuverengi anoonga muFederal Republic of Yugoslavia, akanyora kuti: “Ndinoda kukutendai nomwoyo wangu wose nokuda kwebhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Zvechokwadi rinotaura zvose zvinobatanidzwa pamusoro pokufirwa nomudiwa.”
Munyori wacho akatsanangura kuti: “Pandakafirwa nomukoma wangu mutsaona yemotokari, bhurocha racho rakandipa ‘ruyamuro rwandaida panguva chaiyo.’ Chikamu chinoti ‘Zvikarakadzo Zvinoshanda,’ chiri papeji 18, chakandinyaradza chaizvo. Zvisinei, papera mwedzi mina ndakatanga kunzwa kurwadziwa zvikuru pamwe nokushuva kuti dai zvinhu zvadzoka pazvaiva. Ndakanga ndava kutya kuti utano hwepfungwa dzangu hwakanga hwava pangozi.
“Ndakaverengazve bhurocha iri, uye papeji 9 mubhokisi rakanzi ‘Muitiro Wokutambudzika,’ ndakaona kuti nguva yokugadzikana inowanzova nokusuruvara pamwe nokushuva kuti dai zvinhu zvadzoka pazvaiva. Ndakanyaradzwa zvechokwadi. Ndinoonga ngoni dzenyu, dzamunoratidza muchishandisa bhurocha iri.”
Zvimwe iwe kana kuti mumwe munhu waunoziva achawanawo nyaradzo nokuverenga bhurocha iri rine mapeji 32. Ungakumbira kopi nokuzadza kopani riri pasi apa uye kuritumira kukero iri pakopani kana pakero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Nditumirei bhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa.
□ Ndioneiwo nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.