Akafadzwa Nechinangwa Chayo
MUMWE PUROFESA wepayunivesiti muSpain akanyorera kuhofisi yebazi yeWatch Tower Society munyika make kuti ataure kuonga kwake Mukai! Akatsanangura kuti:
“Ndakawana makopi maviri emagazini yenyu inonzi Mukai! nguva ichangopfuura. Ndakaona kuti aive nenyaya dzinozonakidza dzinotaura zvakasiyana-siyana. Handisi weboka ripi neripi rechitendero, asi ndinoonga kuti magazini yacho ine chinangwa. Inopawo nyaya dzacho zvinonwisa mvura, uye inobata nemisoro yenyaya nounyanzvi isina kwayakarerekera. Ndinokukorokotedzai nezvamunoita.”
Nyaya zhinji dzeMukai! dzinenge dzine umboo hunobva muunyanzvi hwesayenzi yakasiyana-siyana hunobatsira vaverengi vayo kusvika pamhedziso ine tsigiro yemashoko. Ndiwo manyorerwo akaitwa bhurocha rine mapeji 32 rinonzi Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana? Somuenzaniso, pasi pemisoro miduku inoti “Ko Upenyu Hwakavamba Netsaona Here?” uye “Gadziriro Inoda Mugadziri,” umboo hune chokuita nenyaya yacho hunopiwa nenyanzvi dzinonyatsozivikanwa munyaya dzokuongorora zvomuchadenga, zvipenyu zvisingaoneki nemaziso asingabatsirwi, uye zvisina upenyu.
Unogona kukumbira bhurocha iri rinonzi, Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?, nokuzadzisa kopani riri pasi apa nokuritumira pakero yakaratidzwa pakopani kana kuti pakero yakakodzera pane dzakarongwa papeji 5 yemagazini ino.
□ Nditumireiwo kopi yebhurocha rinonzi Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
□ Ndapota ndionei nokuda kwechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Boka renyeredzi: Courtesy of Anglo-Australian Observatory, photograph by David Malin