RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 8/8 p. 18
  • Kuona Terevhizheni Nokungwarira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuona Terevhizheni Nokungwarira
  • Mukai!—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Ndinogona Sei Kudzora Miitiro Yangu Yokuona TV?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Mukai!—2000
g00 8/8 p. 18

Kuona Terevhizheni Nokungwarira

TEREVHIZHENI inoita so“mutauri wengano mukuru, mureri wevana uye inochinja mafungire avanhu,” unodaro mushumo unobudiswa neboka rinoongorora zvinobuda munhau muUnited States unonzi Not in the Public Interest—Local TV News in America. “Takapoteredzwa neTV . . . Kufanana nechiutsi chinobudiswa nevanosvuta fodya, iri pose pose. Kungofanana nokufema chiutsi chinobudiswa nevanosvuta fodya kunokuvadza, naizvozvo kuona mapurogiramu eTV kwenguva yakareba pasina kusarura kunokuvadza—kunyanya kuvana.

Uchitaura nezvemhaka dzinoparwa uye chisimba zvepaTV, mushumo iwoyo unoti “kuongorora kwakawanda kwakaratidza kuti kutarisa mifananidzo yechisimba kunokuvadza kudzidza kwevana, ruvengo uye kunzwira urombo.” Muna 1992, American Medical Association yakati “chisimba chepaterevhizheni chinhu chinoparira ngozi kuutano hwepwere.”

Ungadzivirira sei vana vako pakukuvadza kunoita kuona mapurogiramu eTV? Mushumo wacho unotaura mamwe mazano anobatsira, akawanikwa kumasangano akasiyana-siyana ezvoutano, nezvenzira yokuona nayo terevhizheni nokungwarira zvikuru. Mamwe emazano acho anosanganisira anotevera.

◼ Ronga uye dzora kuona kwaunoita TV. Taura nguva iyo vana vanofanira kuona TV. Usaisa TV mumakamuri evana.

◼ Isa mepu yenyika yose pedyo neterevhizheni kuitira kuti vana vakwanise kutarisa nzvimbo dzavanoona mumapurogiramu.

◼ Ona terevhizheni nevana vako kuitira kuti utsanangure zvinhu zvakadai somusiyano wezvinhu zvokufungidzira nezvinoitika. Kazhinji vana vakawanda vane makore ari pasi pegumi havakwanisi kuona musiyano wacho.

◼ Bvisa terevhizheni panzvimbo inooneka nyore mumba mako. Isa TV mukabati ine misuo inovharika. Izvi zvichaita kuti zviti omei kuibatidza kana kuchinja-chinja zviteshi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe