“Uchafa!”
YAKATAURWA NALEANNE KARLINSKY
Kutsvaka kwangu kurapwa kwakanakisisa kuripo ndisingaisirwe ropa muSpain
KANA waizoita rwendo kunzvimbo ipi zvayo munyika yose, waizosarudza kuenda kupi? Kwandiri mhinduro yacho yakanga yakapfava. Ndinodzidzisa chiSpanish pachikoro, uye pamwe nomurume wangu, Jay, uye mwanakomana wangu Joel, ndinopinda ungano yeZvapupu zvaJehovha inotaura chiSpanish muGalax, Virginia, U.S.A. Chido changu panguva iyoyo chaiva kuenda kuSpain. Saka unogona kufungidzira kufara kwandakaita apo vabereki vangu vakati vaizoenda neni ikoko! Kunyange zvazvo murume wangu nemwanakomana wangu vakakundikana kuenda nesu, zvandaida zvakanga zvoda kuitika sezvo ini nevabereki vangu takakwira ndege inobhururuka zvakananga kuenda kuMadrid. Patakasvika musi waApril 21, takasarudza kutyaira tichienda kuEstella, taundi duku riri muNavarre, kuchamhembe kweSpain. Ndakagara hangu zvakanaka kuchigaro chokumashure uye nokukurumidza ndokutanga kutsimwaira.
Zvandichiri kuyeuka ndezvokurara mumunda, zuva richipenyera mumaziso angu. ‘Ndiri kupi? Ndasvika sei kuno? Ndiri kurota here? Apo mibvunzo iyi yakanaya mupfungwa dzangu, ndakatanga kuziva zvakanga zvaitika zvinotyisa. Chimwe chinhu chakanga chisina kumira zvakanaka, uye uku kwakanga kusiri kurota. Ruoko rwehembe yangu rwokuruboshwe rwakanga rwakaita marengenya, uye handaikwanisa kufambisa maoko angu kana makumbo angu. Gare gare, ndakazoziva kuti motokari yedu yakanga yabondera pasimbi dzomumativi omugwagwa uye kuti ndakanga ndakandwa kubva mumotokari payaipidiguka kubva pakakwirira mamita 20. Ndinoonga kuti ini kana vabereki vangu hapana zvatinoyeuka nezvetsaona yacho.
Ndakadanidzira kuti ndibatsirwe, uye mumwe mutyairi werori akamhanyira kwandiri. Ipapo akabva adzika pasi achienda kumotokari, kwakanga kwakavharirwa vabereki vangu. “Udza amburenzi ikurumidze!” akadanidzira kune mumwe wake. “Vanhu vari mumotokari vakuvadzwa zvikuru!” Ipapo akabva auya kwandakanga ndakarara ndisisina simba, uye achida kubatsira, akaedza kutwasanudza gumbo rangu. Ndakachema nokurwadziwa, ndichicherechedza kokutanga kukuvara zvakaipa kwandakanga ndaita.
Nenguva isipi ndakanga ndave muimba yevanorapwa zvechimbi-chimbi muchipatara chomunzvimbo iyoyo muLogroño. Nomutsa, mapurisa akaudza Zvapupu zvaJehovha zvomunzvimbo iyi nezvekwandaive uye zvakanga zvaitika. Pasina nguva refu, vakawanda vanobva kuungano dziri muEstella neLogroño vakanga vave parutivi rwomubhedha wangu, pamwe neDare Rokubata Nechipatara romunzvimbo iyi. Zvechokwadi, mukurwadziwa kwangu kwose pachipatara ichi, vaKristu pamwe neni vanodiwa vandakanga ndisati ndamboonana navo vakanga vakagadzirira uye vachida kutarisira zvinodiwa zvangu, masikati nousiku. Vakatarisirawo vabereki vangu norudo, vakapora zvokugona kuburitswa muchipatara kwapera inenge vhiki imwe tsaona yacho yaitika.
Panenge pana 1:00 mangwanani musi weChitatu, vanachiremba vakauya kuzovhiya hudyu yangu yakanga yatyoka. Ndakaudza chiremba wacho kuti ndaisada kuisirwa ropa.a Akangobvumawo zvake kuremekedza chikumbiro changu, kunyange zvazvo akandiudza kuti ndingangofa. Ndakararama ndapedza kuvhiyiwa, asi zvakandishamisa kuti maronda angu haana kucheneswa, uye mabhandeji angu haana kuzochinjwa.
Pakazosvika Chishanu ropa rangu rakanga radzikira kusvika pa4,7, uye ndakanga ndave kupera simba. Chiremba wacho akabvuma kundirapa neimwe nzira—jekiseni reerythropoietin (EPO), iyo, pamwe neiron uye zvinowedzera kugadzirwa kweropa, inowedzera kugadzirwa kwemasero matsvuku eropa.b Panguva ino, Jay naJoel vakanga vasvika. Zvakanga zvakanaka sei kuona murume wangu nomwanakomana wangu!
Panenge pana 1:30 mangwanani, chiremba akaudza Jay kuti chipatara chakanga chatowana mvumo yedare yokundiisira ropa kana mamiriro angu ezvinhu akawedzera kuipa. Jay akamuudza kuti chido changu chaiva chokuti ndisaisirwa ropa mumamiriro ezvinhu api naapi. “Saka achafa!” chiremba wacho akapindura.
Jay akataura neDare Rokubata Nechipatara nezvokundiendesa kune chimwe chipatara—chaizoremekedza zvido zvangu. Hakusi kuti munhu wose akanga ari pachipatara ichi akanga achipikisa. Somuenzaniso, mumwe chiremba akandivimbisa kuti aizoita zvose zvaaigona kuti ave nechokwadi chokuti ndaizorapwa noruremekedzo rwose rwaive rwakandikodzera. Asi nokukurumidza vamwe vanachiremba vakanga vave kundimanikidza. “Unoda kufa wosiya mhuri yako here?” vakabvunza. Ndakavavimbisa kuti ndaida kurapwa kwakanakisisa pasina kuisirwa ropa. Vanachiremba vacho havana kuda kubatsira. “Uchafa!” mumwe akadaro zvisina kana tsitsi.
Dare Rokubata Nechipatara rakawana chipatara muBarcelona chakabvuma kundirapa pasina kuisira ropa. Musiyano wakadini pakati pezvipatara izvi zviviri! MuBarcelona vanamukoti vaviri vakandigeza zvinyoronyoro uye vakandiita kuti ndinzwe zvakanaka. Pavaichinja mabhandeji angu, mumwe mukoti akawana kuti akanga ava egirini uye aomarara neropa rakaoma. Akati akanga achinyara kuti vanhu vomunyika yake vakanga vandibata nenzira iyi.
Nenguva isipi ndakanga ndava kurapwa zvaifanira kunge zvakatanga kuitwa pachipatara chiri muLogroño. Migumisiro yacho yakanga ichioneka zvikuru. Mumazuva mashomanana nhengo dzangu dzinokosha dzakanga dzichisiri mungozi, uye hemoglobin yangu yakanga yakwira kusvika pa7,3. Panguva yandakazobva pachipatara, yakanga yakwira kusvika pa10,7. Pandakanga ndava kuda kuvhiyiwazve pane chimwe chipatara muUnited States, yakanga yasvika pa11,9.
Ndinoonga nhamburiko dzavanachiremba uye vanamukoti vanoda kufungawo nezvezvinodiwa nevavanorapa, kunyange vachibvumirana navo kana kuti kwete. Apo vanoshanda pachipatara vanoremekedza zvinotendwa neanorwara, vari kurapa munhu wacho wose—saka vanenge vachigovera kurapa kwakanakisisa kuripo.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwezvikonzero zviri muBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha hazvibvumi kuisirwa ropa.—Ona Genesi 9:4; Revhitiko 7:26, 27; 17:10-14; Dheuteronomio 12:23-25; 15:23; Mabasa 15:20, 28, 29; 21:25.
b Kana muKristu achizogamuchira EPO kana kuti kwete anozvisarudzira.—Ona Nharireyomurindi yaOctober 1, 1994, peji 31.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Nomurume wangu nemwanakomana
[Mufananidzo uri papeji 27]
Nhengo Mbiri dzeDare Rokubata Nechipatara