Asingatendi Kuti Mwari Ariko Anowana Mhinduro
“NYAYA dzinobudiswa mumagazini enyu eNharireyomurindi neMukai! dzinoshamisa kwazvo! Magazini enyu azvino zvino haarambiki! Anopindura mibvunzo yakawanda kwazvo uye anoitawo kuti uve nerugare rwepfungwa.”
Ndiwo matauriro akaita mumwe muravi wekumaodzanyemba kweIndia. Akazvarwa ari muHindu, asi baba vake vakamurera vachimudzidzisa kuti Mwari haako. Anoti: “Ndakashaiwa chinangwa muupenyu. Ndakaona rondedzero yaDarwin yemhindumupindu isina musoro. Kwemakore akawanda ndave ndichinetseka nemibvunzo yakadai sekuti, Mwari ndiani? Nei nyika ino yakashata? Tinoendepi kana tafa? Midzimu yakaipa ndeyechokwadi here?”
Paakawana mhinduro yemibvunzo yake muNharireyomurindi neMukai! muravi uyu akanyoresa kugamuchira magazini acho ose, akanyoreserawo hanzvadzi yake kuti igamuchire magazini acho sechipo, uye zvino anopa magazini acho kune vanhu vaanosangana navo. Sezvo achitora nekudhirowa mifananidzo, akaonga basa rekudhirowa mifananidzo yemagazini acho, “inozvitaurira yega.” Nekurava magazini akanakisisa aya, ungabatana nemamiriyoni munyika yese akapindurirwa mibvunzo yawo uye akawana rugare rwepfungwa.
Kana uchida mamwe mashoko pamusoro paMwari nechinangwa chake nokuda kwedu, tinofara kukutumira bhurocha rinoparadzirwa kwese kwese rinonzi Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? Ingozadza kopani rabatanidzwa ndokutumira kukero inoratidzwa ipapo kana kuti kero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Nditumirei kopi yebhurocha rinonzi Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? Ratidza mutauro wacho
□ Ndapota ndionei nezvekudzidza Bhaibheri kwepamusha kwepachena.
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 32]
BUTIRO, mapeji 2-9 ne32: Einstein: U.S. National Archives photo; Model-T Ford: From the Collections of Henry Ford Museum & Greenfield Village; Great Depression: Dorothea Lange, FSA Collection, Library of Congress; Nicholas II and family: From the book Liberty’s Victorious Conflict; League of Nations building: U.S. National Archives photo; Churchill: The Trustees of the Imperial War Museum (MH 26392); Battleship: U.S. Navy photo; Atomic bombs: USAF photo; Gandhi: Culver Pictures; Man on the moon: NASA photo; Pollution: Godo-Foto; Mao Tse-tung: Culver Pictures; African children: FAO photo/F. Botts; Statue of Lenin: Juraatis/Sipa Press; Space shuttle: NASA photo; Archduke Ferdinand: From the book The War of the Nations; Lenin: Musée d’Histoire Contemporaine-BDIC