Kutambudzwa Nekutya
“Kutya kwave kuchiwanzova chinhu chinosekwa. Asi ‘hakusekesi.’”—Jerilyn Ross, mutungamiriri wenzvimbo inorapirwa hosha dzefunganyo
SHOKO rekuti “kutya” rinoreva kutyiwa kukuru, kusina kufanira kwechimwe chinhu, chiitiko, kana kuti manzwire. Asi rondedzero yoga haigoni kutsanangura mavhundukire nekunzwa uri woga kunoita kuti ane hosha iyi azivikanwe. Raeann Dumont, uyo akarapa kutya kwemakore anopfuura makumi maviri, anotaura kuti: “Vanhu vanotya vangadzivisa mamiriro ezvinhu akawanda kwazvo zvekuti vanova vagari vepamba, kana kuti vangararama nefunganyo yenguva dzose, inotambudza, kana kuti vanganyevenutsa funganyo yavo nezvinodhakisa, izvo zvingaparira zvimwe zvinetso.”
Kutya kunorongwa pakati peboka rezvirwere zvinonzi hosha dzefunganyo.a Zvinofungidzirwa kuti 12 muzana yevagari vakura veUnited States vachararama nekutya pane imwe nguva muupenyu hwavo. Vakawanda veava vachatambura muchivande kwemakore. “Nenzira inosuruvarisa,” inoshuma kudaro Anxiety Disorders Association of America, “zvinenge zvikamu zvitatu muzvina zvevanhu vanotya hazvimbofa zvakabatsirwa. Vanhu vakawanda vanotya havadi kutsvaka rubatsiro nemhaka yekuti vanonyara. Vamwe havanzwisisi zvavanazvo kana kuti kwekuwana rubatsiro, uye vamwe vanotya kurapa kwacho pachako.”
Kune mazana ekutya kunozivikanwa, asi nyanzvi dzinowanzokuronga mumapoka matatu. Kutyawo zvako kune chekuita nechinhu kana kuti mamiriro ezvinhu, zvakadai sezvipembenene, mhuka, kubhururuka, uye kuva munzvimbo dzakavharwa. Agoraphobia inowanzoitika yakabatana nekuvhunduka. Munhu ari kutambura anotya kuvhundutswa zvekuti anosvika pakudzivisa nzvimbo nemamiriro ezvinhu ose uko kuvhunduka kwemunguva yakapfuura kwakaitikira. Kutya vanhu kunozivikanwa nekutya kunyadziswa pakazara vanhu, zvakadai sekutaura pamberi pevateereri.
Rangarira kumwe bedzi kwekutatu uku—kutya vanhu. The Washingtonian inotaura kuti: “Kunyange ukabatanidza pamwe chete kutyawo zvako kwose, kwakakadai sekutya nyoka kana kubhururuka, hakutomboswederi kunyange pedyo nekutya vanhu sechinoparira kutambura.” Ichi ichokwadi here? Kana zvakadaro, nei? Ngationei.
[Mashoko Omuzasi]
a Dzimwe hosha dzefunganyo dzinobatanidza hosha yekuvhunduka, compulsive disorder yakapfuuridza mwero, posttraumatic stress disorder, uye hosha yekungofunganyawo zvako. Nekuda kwemamwe mashoko, ona Mukai! yechiNgezi yaFebruary 8, 1996, “Compulsive Behavior—Does It Control Your Life?” uye June 8, 1996, “Coping With Panic Attacks.”