RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 12/8 p. 32
  • Marudzidziso Ose Anotungamirira Kuna Mwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Marudzidziso Ose Anotungamirira Kuna Mwari Here?
  • Mukai!—1997
Mukai!—1997
g97 12/8 p. 32

Marudzidziso Ose Anotungamirira Kuna Mwari Here?

Mamiriyoni evanhu anodavira kuti marudzidziso ose inzira dzakasiyana-siyana dzinotungamirira kunzvimbo imwe cheteyo. Chokwadi ndechokuti, dzidziso, tsika, uye vamwari zvorudzidziso zvakafanana. Tarisa, somuenzaniso, mufananidzo uyu wezana remakore rechisere C.E. womunhu wengano wechiHindu, unobva kuKerala, India.

Chinoshamisa ndechokuti mabhuru ainamatwa mumarudzidziso akawanda akare. Somuenzaniso, maererano nowezvenhau wechiGiriki wezana rokutanga remakore B.C.E. Diodorus Siculus, mwari wevaAmoni Moreki aivawo nechimiro chomunhu asi nomusoro webhuru.

Nei kwave kune zvakafanana zvinoshamisa mumarudzidziso akawanda akasiyana-siyana munyika yose? Marudzidziso aya ane mavambo mamwe chetewo here? Chaizvoizvo inzira dzakangosiyana-siyana bedzi dziri kuenda kunzvimbo imwe cheteyo here? Mwari anoatendera ose zvawo here?

Nhoroondo inonakidza yamavambo nokukura kwemarudzidziso makuru enyika iri mubhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu inopindura mibvunzo yakadaro. Kana uchida kugamuchira bhuku iri kana kuti kuita kuti mumwe munhu akushanyire pamusha wako kuzokurukura icho Bhaibheri rinotaura pamusoro penhau iyi, tapota nyorera Watch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera iri papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe