Kwaakanga Achitsvaka Kwakanga Kuri Kutendeseka
Mumwe mukadzi muduku kuEcuador akaenda kubvunzurudzo yebasa. Pashure pokukurukurirana nevamwe vaitsvaka basa—pamwe chete vakanga vari 36—akaziva kuti mikana yake yakanga iri mishoma. Vakanga vane ruzivo rwokuzviwanira rwebasa uye vane dzidzo yapaunivhesiti, nepo iye akanga asina kana nechimwe. Uye pamibvunzo mitanhatu yakabvunzwa, akapindura miviri zvisina kururama. Mumwe mubvunzo, zvisinei, waiva womunhu oga: “Zvokwadi inorevei kwauri?”
Mukadzi wacho akapindura, kuti: “Zvokwadi haisiwo zvayo fungidziro asi chimwe chinhu chatinofanira kurarama nacho. Tinofanira kutaura chokwadi uye kwete kunyepa, nokuti kana tikanyepa, tinozviisa timene muboka raSatani Dhiabhorosi. Kana tikataura zvokwadi, tinofadza Mwari ndokuwana betsero dzakawanda dzomunhu oga.”
Apo maneja wacho akabvunza rudzidziso rwomukadzi wacho, iye akapindura kuti akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Zuva rakatevera racho akaziviswa kuti akanga asarudzwa nokuda kwebasa. Mwedzi mumwe gare gare mukadzi wacho akabvunza maneja wacho chikonzero nei iye akanga amusarudza, uye iye akati kwakanga kuri nemhaka yokutendeseka kwake.
Hakusiri kwechokwadi here kuti vanhu vakawanda nhasi havana kutendeseka? Kune rumwe rutivi, vanhu vanoremekedza Bhaibheri vanozivikanwa nokuda kwokutendeseka kwavo. Nharireyomurindi yaJuly 1, 1995, yakati: “MuBhaibheri, ‘zvokwadi’ yakafanana nomurangariro wokufungidzira, usingabatiki uyo vazivi vanoitirana nharo pamusoro pawo.”
Uchabetserwa nokurava Nharireyomurindi nguva dzose, iyo inozivikanwa munyika yose semutsigiri wezvokwadi yeBhaibheri. Kana ungada kuva nekopi kana kuti fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower Society, P. Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakarongwa papeji 5.