Ngwavaira Dzomusikirwo Kubetsera Mwana Wako Kugonana Nadzo
KUDENGENYEKA kwepasi, zvamupupuri, mwoto, mafashamo, madutu—tinova vasina dziviriro sei apo tinotarisana nehasha dzechisiko! Vanhu vakuru vanowanzowana kuti angava makore mifananidzo yendangariro inotyisa yakarovererwa kupfurikidza nokutambura ngwavaira yomusikirwo isati yavamba kupera. Nenzira isingashamisi, vana vangada betsero yokuwedzera kuti vanaye muzviitiko zvakadaro.
U.S. Federal Emergency Management Agency (FEMA) inotsinhira kuti nokukurumidza pashure pengwavaira, vana vanowanzotya kuti (1) vachasiyiwa vari voga, (2) vachaparadzaniswa nemhuri, (3) chiitiko chacho chichaitikazve, uye (4) mumwe munhu achakuvadzwa kana kuti kuurawa. Iwe somubereki unogona kuitei kuti uderedze kunetseka kwomwana wako mumamiriro ezvinhu epashure pengwavaira? FEMA inoita idzi rumbidzo.a
Edza kuchengeta mhuri iri pamwe chete. Kugara pamwe chete kunogovera kurudziro kumwana wako ndokubvisa kutya kwake kusiyiwa. Kuri nani kusasiya vana vaine hama dzokunyama kana kuti shamwari kana kuti nzvimbo inounganira vanhu vabva munzvimbo ine ngozi apo unenge uchitsvaka betsero. “Vana vanofunganya,” inotsinhira kudaro FEMA, “uye vachanetseka kuti vabereki havasati vachizodzoka.” Ukafanira kuenda kune imwe nzvimbo, enda nomwana wako kana kuchitongobvira. Nenzira iyeyo “mwana [wako] ane bviro duku yokunamatira kwauri nemhaka yokutya.”
Wana nguva yokutsanangura mamiriro acho ezvinhu nenzira yakaterama uye nenzira yakasimba. Udza mwana wako zvaunoziva pamusoro pengwavaira yacho. Kana kuri madikanwa, dzokorora tsananguro yako kanoverengeka. Rondedzera zvichatevera kuitika. Somuenzaniso, ungati, ‘Usiku hwanhasi tichagara tose mumusasa.’ Taura navana wakaenzana navo, uchipfugama kana kuchidikanwa.
Kurudzira mwana wako kutaura. “Kurukurirano inobetsera zvikurusa mukuderedza kufunganya kwemwana,” FEMA inoonesa kudaro. Teerera izvo mwana mumwe nomumwe anokuudza pamusoro pengwavaira yacho nokutya kwake. (Enzanisa naJakobho 1:19.) Muudze kuti ndekwemuzvarirwo kutyiswa. Kana mwana wako achiratidzika kuva asingadi kutaura, muzivise kuti uri kutya. Kuita kudaro kungakuita kuti kuve nyore kuti ataure kutya kwake amene, nokudaro kuchideredza funganyo yake. (Enzanisa naZvirevo 12:25.) “Kana kuchibvira, batanidza mhuri yose mukurukurirano yacho.”
Batanidza vana mumibato yokuchenesa. Pakuchenesa nokugadzira imba, govera vana mabasa avo vamene. “Kuva nebasa kuchavabetsera kunzwisisa kuti chinhu chiri chose chichava chakanaka.” Mwana muduku zvikuru, zvisinei, anowanzoda ngwariro chaiyo. FEMA inotsanangura, kuti: “Mwana akadaro angada tarisiro huru yokunyama, kumbundirwa zvikuru; uye ikoku kunoita kuti kuomere zvikuru vabereki kutarisira zvimwe zvinhu izvo zvinofanira kuitwa. Nenzira isingafadzi, hapana kudimburira. Kana zvinodikanwa zvemwana zvikasagoverwa, chinetso chacho chichapfuurira kwenhambo refu zvikuru.”
Pfundo rimwe rokupedzisira rinofanira kurangarirwa. FEMA inopa zano vabereki, kuti: “Pakupedzisira, munofanira kusarudza zviri zvakanakisisa nokuda kwavana venyu.” Kushandisa idzi nhungamiro kungagona kukubetsera kuwana zvakanakisisa mumamiriro ezvinhu akaoma.
[Mashoko Omuzasi]
a Dzakatorwa muzvinyorwa zvinonzi Helping Children Cope With Disaster uye Coping With Children’s Reactions to Hurricanes and Other Disasters, zvakabudiswa neFEMA.