RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 12/8 p. 3
  • Kurondwa Kworubudiriro Rwokunyama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurondwa Kworubudiriro Rwokunyama
  • Mukai!—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Rubudiriro Rwokunyama Runogona Kuvimbisa Mufarwa Here?
    Mukai!—1994
  • Kubudirira Kwechokwadi Munyika Itsva yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mwari Anotikomborera Nepfuma Here?
    Mukai!—2003
  • Unoda Mari Yako Kana Kuti Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 12/8 p. 3

Kurondwa Kworubudiriro Rwokunyama

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUTAIWAN

‘MARI haigoni kutenga mufarwa!’ Kunyange zvazvo vanhu vazhinjisa vachinge vanobvuma kutaura ikoko, vakawanda vavo vachiri kuronda nomutoo wakakomba pfuma yokunyama senzira yokuupenyu hunofadza zvikuru. Uye zvokona nei? Pashure pokurangarira zvose, kunoratidzika kuti chigadzikiso chezvakawanda zvezvinetso zvorudzi rwomunhu chiri mukuenderera mberi kwokunyama norubudiriro.

Chimbofungidzira hako kuti yaizova nyika yakasiyana zvakadini kudai murume ari wose, mukadzi, uye mwana aifarikanya upenyu hunobudirira mune zvokunyama! Kwaizova kusinazve ruzvidzo nokutambura zvamamiriyoni anogara muzvitumba. Kwaizova kusinawo chinetso chokusava nedzimba zvino chiri kutambudza rudzi rwuri rwose, rwakapfuma nerwusina.

Uye zvakadiniko noutano hwakanaka, hunokosha zvikuru kumufarwa? Kunyange zvazvo sayenzi yokurapa iri kuenderera mberi nokukurumidza, vanhu vakawanda zvikuru kwazvo vari kuwana kuti havagoni kukwanisa kubhadhara mabasa ayo. Kune rumwe rutivi, nzara nokudya zvisingavaki muviri zvichiri chiitiko chezuva nezuva chamamiriyoni. Kudai rubudiriro rwaitekeshera munyika yose, munhu ari wose aizova nomukana wokurarama upenyu hwakanaka zvikuru, uye nokudaro hunofadza zvikuru—havasati vaizodaro here?

Kunyange pasi rimene raizobetserwa. Seiko? Mhoteredzo yapasi zvino iri kushatiswa netsvina dzinouraya, dzinoparirwa murutivi kupfurikidza nokutsva kwamagasi ezvisaririra. Bva, chimwe chikonzero chakadudzwa chokusaronda ruzivo rwamabasa runodikanwa kushandisa zvimiro zvakachena zvikuru zvesimba ndechokuti runonyanyodhura. Kuparadzwa kwamasango emvura, imwe tyisidziro yakakomba yewirirano, inopiwawo mhaka zvikurukuru pazvikonzero zvoupfumi.

Sezvo rubudiriro rwokunyama rungagona sezvinooneka kupedza zvakawanda kwazvo zvezvinetso zvedu ndokuderedza kutambura kukuru kwazvo, hakushamisi kuti vanhu kwenguva refu vakabatanidza upfumi nomufarwa. Somuenzaniso, nepo vanhu vokuMadokero vachiwanzokwazisana nokuti “Farikanya Gore Idzva!” paZuva Regore Idzva, vaChina, mukati meGore Idzva romwedzi womudenga, mugamuchidzanwa vanoti “Kung hsi fa tsai” kuno mumwe nomumwe, vachishuvira kuti ivo ‘vachawana pfuma!’ Hungu, hapana kuramba kuti tiri kurarama munyika umo vanhu vanopa kurondwa kworubudiriro rwezvokunyama nzvimbo yokutanga yakakwirira zvikuru, kana isati iri yakakwirira zvikurusa. Rubudiriro kana kuti kundikano inowanzoyerwa nomupimo wokunyama.

Nepo kuwanwa nokufarikanywa kwezvinhu zvokunyama kusina hako kushata makuri kumene, kunogona kuvimbisa mufarwa here? Ukoshi hwakadini hunofanira kubatanidzwa nazvo? Rubudiriro rwokunyama chaizvoizvo chinhu chinokosha chenyika iri nani here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe