RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 8/8 p. 32
  • Nyika Ino Ichapukunyuka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Ino Ichapukunyuka Here?
  • Mukai!—1994
Mukai!—1994
g94 8/8 p. 32

Nyika Ino Ichapukunyuka Here?

Mubvunzo iwoyo unobata ngwariro ndiwo musoro weturakiti iro rinoparadzirwa neZvapupu zvaJehovha. Gore rakapera mugari weWashington, D.C., akagamuchira iri turakiti ndokutaura kuti akanga anyandurwa fariro. Akanyora, kuti:

“Kwakajeka kumunhu anorarama mudzimbahwe renyika yedu kuti nyika iri kusvika kumugumo wayo zvamazvirokwazvo. Northern Ireland, yaichimbova Yugoslavia, dzaichimbova nyika dzinozvitonga dzeSoviet Union, dzose dzinopupurira rima negakava izvo zvinotambudza nyika ino nhasi. Matorongo anozarisa, mirakatira mitsva yetiibhii neblack plague, zvose zvinobvumikisa pfundo ramunoita muturakiti renyu.”

Murume wacho akakumbira, kuti: “Ndapota nditumirei mamwe mashoko pamusoro pechimiro chenyu chendangariro chakasiyana, uye fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena iyo munogovera.”

Zvapupu zvaJehovha zvinonangidzira vanhu kuicho Bhaibheri rinotaura pamusoro penguva yemberi yorudzi rwomunhu. Kana ungada kopi yeturakiti radudzwa pamusoro apa kana kuti uchishuva fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe