Kutarisira Vabereki Vakwegura
“NDAKANGA ndakabatikana masikati nousiku, asi ndakanga ndichiri kunzwa kuti yakanga iri ropafadzo.” Ndiko kutsanangura kwakaita mumwe mukadzi kutarisira amai vake vakwegura. Nokuda kwouyu mukadzi, uye vamwe vakawanda, kutarisira vabereki vakwegura ndichinoitika chakanaka.
Chiri kuvawo chinoitika chinozivikanwa navose zvikuru. Boka rezera rinokwegura nokukurumidza zvikurusa muUnited States rinotaurwa kuva boka ravanopfuura makore 75. Muna 1900, vaAmerica vasingasviki mirioni imwe vakanga vane makore 75 kana kuti vakura zvikuru. Pakazosvika 1980 vanodokuva mamirioni gumi vakanga vapfuura makore 75. Vanhu vakura vari kurarama nguva yakareba zvikuru, uye chinenge chikamu chimwe chezvitatu chaavo vane makore 85 kana kuti vakura zvikuru chinoda rubatsiro rwenguva dzose.
Nepo kutarisira kuchigona kuva chinoitika chinotusa, hakusati kuri kusina funganyo. Kana mumwe kana kuti vose vari vaviri vavabereki vako vakwegura uye vachida tarisiro yako, ungawana kuti mativi akati akaoma. Kungovaona chete vachiderera muutano zvirokwazvo kunokurwadza. Uye kana uchigamuchira betsero shomanene kana kuti pasina kumimwe mitezo yemhuri, ipapo unosiiwa nokutarisira kwakawanda.
Ungawanawo kuti zvisinei hazvo nokuti wakura sei, hautongonzwi kuti wakura uri pane vabereki vako. Kombamiro yavo ingava yokukubata somwana, uye kombamiro yako ingava yokuita souri. Kushaikwa kwetsigiro inobva kushamwari kunogona kuwedzera kufunganya kukutarisira kwako.
Kunyanguvezvo, denho dzokutarisira hadzifaniri kubonderana nokuchengeta kwako ukama hwapedyo navabereki vako. Magwaro anoraira nenzira yakajeka vakura “[kushandisa kuzvipira kwoumwari, NW] paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari.” Pane rumwe rutivi, iye uno“dzinga mai vake, mwanakomana unonyadzisa nokuita zvinonyadza.”—1 Timotio 5:4; Zvirevo 19:26.
Kuzvipira kwoumwari kunoratidzirwa kupfurikidza nokutarisira kunogona kuva chinoitika chinopfumisa. Asi kutanga, unofanira kuziva izvo vabereki vako vanoda zvomenemene kwauri nezvebetsero. Nyaya dzinotevera dzingakubatsira mukuziva nokusvitsa zvinodikanwa izvozvo. Uye nepo idzi nyaya dzichinangidzira ngwariro pachinogona kuitwa mumusha, kunonzwisiswa kuti muzvinoitika zvakati, nemhaka youtano hwakashata zvikuru kana kuti undonda, mubereki angada betsero younyanzvi, yakadai seiyo inowanwa mumisha yokutarisirwa kwavakwegura.