RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 12/8 p. 31
  • Nhoro Inonyadzisa Shumba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhoro Inonyadzisa Shumba
  • Mukai!—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Dhanieri Ari Mugomba Reshumba
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Munhu Nemhuka Zvinogona Kugara Murugare Here?
    Mukai!—1991
  • “Chitima Chokupenga” chekuEast Africa
    Mukai!—1998
Mukai!—1993
g93 12/8 p. 31

Nhoro Inonyadzisa Shumba

GORE rakapera muSouth Africa, mhuka hombe—hono yenhoro—yakamira pamberi pehotera yomunzvimbo inochengeterwa mhuka yeLowveld. Kutarisika kwayo kwaiva kwokungwarira uye kwokudenha zvikuru, naizvozvo hakushamisi kuti mutungamiriri wenhoro womunzvimbomo akashatirwa nouku kuvhozhokera kwoukono munzvimbo make. Chapupu chakaona chakashuma kudenha kwomutungamiriri wenhoro, chichiti: “Yakapfepfedza, yakabhibhidza pasi ndokumira yakagadzirira kudenha. Nenyanga dzayo dzakatarira pasi yakadenha. Apo akarova nhoro yacho akavhunduka.” Muvhozhokeri haana kudzorera. Hono yenhoro yomunzvimbomo yakadenha zvakare. Zvakare hapana kuva nemiuyo. Mukushatirwa kwokukangaidzwa negore rehuruva, mutungamiriri womunzvimbomo “akatyora miti yose yakapoteredza asati aenda.” Haasati adzoka, sezvinooneka kuchigumisa kuti muuyi mutsva haakundiki.

Shumba hadzinawo kubudirira. Mutungamiriri wenzvimbo inochengeterwa mhuka Carlson Mathebula akashuma kuti shumba 12 dzakanga dzakomberedza nhoro. Iye akataura nezvekunangana kwadzo nayo, achiti: “Nokukurumidza shumbakadzi mbiri dzakavamba kuinyangira. Nokudzvova kukuru imwe yakasvetukira pamusana penhoro nepo imwe yakamhanyira kurutivi rwayo ndokubva yati kwati-kwati nomutsipa wayo. . . . Dzose dziri mbiri dzakapunzikira pasi mukutya ndokuvandira dzakati zii ipapo. Imwe shumbakadzi yakakumbanira rwisano yacho. Yakamhanyira kunhoro uye nokurovanya kukuru mumakumbo yakaedza kuiwisa, asi yakangoramba yakamira ipapo.” Shumba 12 dzakashatirwa zvikuru nokukundikana kwadzo kuwisa iyi nhoro hombe zvokuti “dzakaparadza muchina unopima kunaya kwemvura, midziyo inoshandiswa kudiridza bindu uye fanicha yapanze dzisati dzaenda mukunyara.”

Kupfurikidza nokuramba yakamira isingazununguki, nhoro yakadzinga boka romunzvimbomo renhoro munzvimbo yadzo ndokudzinga shumba dzinodada. Mushumo wacho muSunday Times yeJohannesburg, South Africa, wakataura nezveiyi nhoro semhuka yakasimba inorema makirogiramu 300 uye yakaitwa nomukore. VaKeith Calder, vakaumba nhoro yomukore, vakati: “Kunondifadza kuti shumba nenhoro dzakaiwana kuva mhuka chaiyoiyo zvikuru.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe