Kunyaradza Vapukunyuki Vakura Vekuvadziko Yomuhuhwana
VAIVA varoorani vaduku vane ushamwari, vairemekedzwa zvikuru muungano. Asi chimiro chake chenzwi chakakurumidza apo akakumbira kana mukuru aigona kuvashanyira, uye akanga ane misodzi mumaziso ake. Akanga achitambura zvinoitika zvokuora mwoyo kwakakomba nokuzvivenga, kunyange mifungo yokuzviuraya. Akanga abatwa zvisina kufanira muvatano somuduku. Achionga kuti sangano raJehovha rakagovera nhungamiro pamusoro penzira yokubetsera nayo vanyajambwa vemhosva dzakadaro, mukuru akarava tsamba dzeSosaiti dzainyorerwa vakuru pamwe chete nenyaya dzaMukai! No. 4 1991 neNharireyomurindi yaApril 1, 1984, dzaibata neiyi nyaya. Heano mapfundo mashomanene anobetsera akawanwa mune aya manyuko.
1. Teerera, teerera, teerera. Apo mwana anosvuuka ibvi rake, chiito chake chokutanga ndechokumhanyira kuna Amai kana kuti Baba nokuda kwenyaradzo. Asi mwana akabatwa zvisina kufanira angasatongova nechisarudzo chakadaro. Naizvozvo somunhu akura, achiri ane chinodikanwa chimwe chetecho—kuudza, kududza, kunyaradzwa nomuteereri anonzwira tsitsi. (Enzanisa naJobho 10:1; 32:20.) Apo mukuru akashanyira varoorani vadudzwa pamusoro apa, murume wacho akashamiswa nezvishoma izvo mukuru wacho akataura uye kuteerera kukuru kwaakaita. Murume wacho, munhu anoshanda, anobetsera, akawana kuti akanga aedza kupedza chinetso kupfurikidza nokupindura mirangariro nenzira ine mufungo, achiedza kururamisa kunzwa kwairatidzika kuva kusina mufungo kwaari. Akadzidza kuti mudzimai wake aida tsitsi kupfuura mhinduro. (Enzanisa naVaRoma 12:15.) Aida kunzwa kuti aiva nezvikonzero zvakanaka zvokunzwa nenzira yaaiita nayo.
2. Fumura nhema. Kubata zvisina kufanira kunodzidzisa vana kuti ivo vane tsvina, havadiwi, havana maturo. Kufanana nedzidziso dzenhema dzorudzidziso, iyi mifungo inogona kuita kuti ukama hwakanaka naJehovha huve hwakaoma zvikuru. Naizvozvo fumura nhema, uye dzitsive nezvokwadi—nounyoro, nguva dzose, nomutoo wokushivirira. Rangarira muMagwaro. (2 VaKorinte 10:4, 5) Somuenzaniso: “Ndinonzwisisa kuti unonzwa une tsvina. Asi Jehovha anonzwa sei pamusoro pako? Kana akabvumira Mwanakomana wake kufa ndokugovera rudzikinuro nokuda kwako, ikoko hakusati kuchireva here kuti anokuda? [Johane 3:16] Mumeso ake, mubati zvisina kufanira akaita kuti iwe uve une tsvina, kana kuti kwakaita here kuti mubati zvisina kufanira ave netsvina? Yeuka, Jesu akataura, kuti: ‘Hapana chinhu chinobva kunze kwomunhu chinopinda maari chinogona kumusvibisa; asi zvinhu zvinobuda zvichibva mumunhu ndizvo zvinhu zvinosvibisa munhu.’ [Marko 7:15] Kubata zvisina kufanira kwakabuda zvomenemene kwauri, mwana muduku here? Kana kuti mubati zvisina kufanira akakuronga mumurangariro wake amene here?”
3. Taura Nenzira Inonyaradza. Munhu mumwe nomumwe akasiana, naizvozvo zano raPauro ro“kutaura nenzira inonyaradza kumweya yakaora mwoyo” rinoshanda nenzira dzakasiana-siana muchinoitika chimwe nechimwe. (1 VaTesaronika 5:14) Kutaura kwakapfava, zvisinei, hakuwanzoratidzika kuva kunonyaradza. Somuenzaniso, kungoudza bedzi mupukunyuki wokubatwa zvisina kufanira kurava Bhaibheri zvikuru, kuparidzira kakawanda, kana kuti ‘kungokandira mutwaro wako pana Jehovha’—kunyange zvazvo izvi zvikarakadzo zvichibetsera pane dzimwe nguva—zvingasava nemiuyo. (Pisarema 55:22; enzanisa naVaGaratia 6:2.) Vazhinji vari kutoita izvi zvinhu zvakanakisisa sezvavanogona uye kuzvituka vamene nenzira isina tsitsi nokuda kwokusaita zviri nani.—Enzanisa na 1 Johane 3:19, 20.
Nenzira yakafanana, kuudza vapukunyuki vokubatwa zvisina kufanira kukanganwa zvomunguva yakapfuura kungakuvadza zvikuru. Kudai vaigona kuita kudaro, sezvingabvira vangadai vakadaro—uye vangadai vasina kuda betsero yokusvika pachigadzikiso chakapfava chakadaro.a Yeuka, chavo chinetso chakakomba chemirangariro. Nokuda kwokuenzanisa, ingofungidzira bedzi uchisvika pana nyajambwa wetsaona yemotokari akazvambarara achichema ari pakati poungwanda-ngwanda. Waizongomuudza bedzi kusafunga pamusoro pokurwadziwa here? Nenzira yakajeka, zvakawanda zvinodikanwa.
Kana usina chokwadi chokuti zvauri kutaura zvinonyaradza uye zvinobetsera, kuregererei kubvunza munhu akaora mwoyo? Pashure pokurangarira zvose, kunyange zano riri rechokwadi nerapaMagwaro rinofanira kuva panguva yakafanira nerakakodzerawo.—Enzanisa naZvirevo 25:11.
Pashure peshanyo shomanene, hanzvadzi yakavamba kuona vandudziko muchitarisiko chayo, uye murume wayo akanga achikwanisa zviri nani kumubetsera munguva dzake dzakaoma. Vose vari vaviri chifo chaipapo vave vachikwanisa kutaura nenzira inonyaradza kuna vamwe vakava nekuvadziko dzakafanana. Kunosimbisa kutenda zvakadini kuona Jehovha, “Mwari wokunyaradza kwose,” achishanda kupfurikidza neShoko rake navanhu vake ku“rapa vane mwoyo yakaputsika” munguva dzino dzinotambudza.—2 VaKorinte 1:3; Isaya 61:1.
[Mashoko Omuzasi]
a Chokwadi, muapostora Pauro akapa zano maKristu roku‘kanganwa zvinhu zvakapfuura.’ Asi Pauro pano akanga achinongedzera kumugariro wake wakapfuura nebudiriro yenyika, izvo zvino zvakanga zvava “marara” kwaari. Akanga asiri kunongedzera kumatambudziko ake akapfuura, ayo akataura nenzira yakasununguka.—VaFiripi 3:4-6, 8, 13; enzanisa na 2 VaKorinte 11:23-27.